Accessibility links

Breaking News

VaBiden Vanokunda VaTrump Musarudzo yeMutungamiri weAmerica


Joe Biden
Joe Biden

Vaimbove mutevedzeri wemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakunda musarudzo yemutungamiri weAmerica zvichitevera kukunda kwavaita mudunhu rePennsylvania.

Electorial votes Trump Biden
Electorial votes Trump Biden

VaBiden, avo vane makore makumi manomwe nemasere ekuberekwa, vatora zvigaro zvose makumi maviri zve electoral college zvemudunhu rePennsylvania ndokuita zvigaro zvinodarika mazana maviri nemakumi manomwe vachidarika zvigaro zvinodiwa kuti munhu adomwe semunhu akakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaBiden vakunda mutungamiri weAmerica pari zvino, VaDonald Trump, avo vakabuda pachena kuti vari kupikisa mumatare maverengerwo akaitwa mavhoti mumamwe matunhu emuAmerica.

U.S. President Donald Trump
U.S. President Donald Trump

VaBiden vachaitwa mutungamiri weAmerica wechimakumi mana nematanhatu apo vachagadzwa zviri pamutemo muna Ndira gore rinouya.

Kukunda kwaVaBiden kunoreva kuti mutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris, vari kupinda munhoroondo yekuva mudzimai wekutanga, uye ari mutema, kuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika munhoroondo yeAmerica yemakore mazana maviri nemakumi mana nemana.

Kamala Harris, cawapres AS yang diusung Partai Demokrat, dalam kampanye di Fayetteville, North Carolina, Minggu, 1 November 2020. (Foto: Reuters)
Kamala Harris, cawapres AS yang diusung Partai Demokrat, dalam kampanye di Fayetteville, North Carolina, Minggu, 1 November 2020. (Foto: Reuters)

VaBiden vakashanda vari mutevedzeri waVaBarack Obama kubva muna 2009 kusvika muna Ndira 2017, apo pakatoreswa VaTrump mhiko yekuva mutungamiri wenyika mushure mekukunda Amai Hilary Clinton musarudzo yakaitwa muna Mbudzi 2016.

VaBiden vakashandawo senhengo yedare Senate kwemakore makumi matatu nematanhatu.

Imwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paDeVry University kuOhio, Professor Elliot Masocha, vanoti zvanga zviri pachena kuti VaBiden vachakunda musarudzo iyi.

Asi VaMasocha vanoti VaBiden vane mutoro mukuru wekugadzirisa zvinhu munyika pamwe nekunze kwenyika zvavati zvakavhiringwa naVaTrump.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG