Accessibility links

Breaking News

Kusarudzwa kwaVaBiden Kwofadza MDC Alliance - North America Province


Tawanda Dzvokora
Tawanda Dzvokora

Sachigaro veMDC Alliance mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora, vanoti sebato, vanofara zvikuru nekusarudzwa kwaVaJoe Biden naAmai Kamala Harris kuti vatungamiri America kwemakore mana anotevera.

Izvi zvakatsigirwawo nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vakanyorawo padandemutande ravo reTwitter vachiti kukunda kwaVaBiden mucherechedzo wakanaka muhutongo hwejekerere pasi rose.

FILE - President-elect Joe Biden and vice president-elect Kamala Harris.
FILE - President-elect Joe Biden and vice president-elect Kamala Harris.

VaDzvokora vanoti sarudzo dzemuAmerica munongedzo mukuru uye wakanaka pamaitirwo esarudzo dzinoyemurwa nepasi rose zvisineyi hazvo kuti bato reRepublican Party riri kuti dzakabiridzirwa.

VaDzvokora vanoti vakanyanya kufadzwa nemashoko aVaBiden ekuti vachange vari mutungamiri wemunhu wese wemuAmerica, izvo vanoti hazviitike kunyika dzakaita seZimbabwe uko vatungamiri vanoramba vari mupfungwa dzekukukwikwidza sarudzo idzo sarudzo dzatopera.

Vanoziva zviri kuitika pasi pehurongwa hwekutambidzana masimba muAmerica vanoti VaBiden vane hurongwa hwekuti musi wavanotanga basa, vachadzika mitemo mitsva yakawanda inobvisa mitemo yakagadzwa nemutungamiri wenyika ava kusiya basa, VaDonald Trump, vachitsiva nemitemo iyi nemitemo yaivepo munguva yehutongi hwaVaBarack Obama.

US President Donald Trump gestures after speaking during election night in the East Room of the White House in Washington.
US President Donald Trump gestures after speaking during election night in the East Room of the White House in Washington.

VaDzvokora, avo vanogara mudunhu reNorth Dakota, iro rakaenda kuna VaTrump, vanotiwo vakafadzwa nemashoko aAmai Harris pamusoro pekurwira rusununguko negutsaruzhinji, izvo vakati hazviuye nyore asi kuti munhu anofanirwa kutora matanho akasimba kuburikidza nekushandisa vhoti.

VaDzvokora, avo vakavhoterwa sasachigaro weMDC Alliance muna 2018 musarudzo dzakaitwa mudunhu reOhio, vakatiwo vakayemura zvikuru kuti America, iyo ine vanhu vanodarika mazana maviri nemakumi matatu ezviuru vafa nechirwere cheCovid-19, yakakwanisa kuita sarudzo dzayo, izvo zviri kutadzwa kuitwa neZimbabwe iyo ine vanhu mazana maviri nemakumi mashanu nemumwe chete vafa nechirwere cheCovid-19.

VaDzvokora vanoti zviri pachena kuti Zimbabwe inokwanisawo kuita sarudzo, asi haina chido chekuita sarudzo idzi.

Zimbabwe yakamisa sarudzo dzema by elections ichiti inotyira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

VaDzvokora vanoti sarudzo dzema by election muZimbabwe dzinofanirwa kuitwa zvichitevera kudzingwa mumatare eSenate neNational Assembly kwenhengo dzavo neMDC-T iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe.

Kune dzimwe nzvimbo dzine vanhu vakashaya dzinofanirwa kutsvaga vamiriri vatsva.

Asi zvose izvi hazvichaitwa zvichitevera danho rakatorwa nehurumende, kuburikidza nebazi rezvehutano iro rakatara mutemo weCovid-19 National Lockdown Restrictions, kunyange hazvo hurumende iri kubvumidza bato reZanu PF kuita hurongwa hwaro hwesarudzo dzematunhu madiki munyika yose idzo dzinonzi dziri kukonzera mitauro, bata murefu nebata mupfupi mubato iri.

VaDzokora vanoti vanotendawo VaTrump nebasa ravakaita rekuramba vakamira nevana veZimbabwe mumakore mana avanga vari panyanga vachishoropodza kutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe, pamwe nekubatsira vana veZimbabwe munyaya dzehutano, chikafu nezvimwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG