Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotaura Pamusoro peSarudzo dzemuAmerica


US Elections

Vanoongorora zvematongerwo enyika pamwe nemapato ezvematongerwo enyika vanoti kunyange hazvo paine kugunun’una kubva kumutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, sarudzo dzekuAmerica dzaikaitwa zvakajeka uye zviri kubuda musarudzo idzi zvinoratidza zvido zvevanhu vemuAmerica.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, vaudza Studio 7 kunze kwezvichemo zvaVaTrump America ichiri kuita sarudzo dzakajeka.

Izvi zvatsigirwawo nemunonyori mukuru muMDC iri kusanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, VaDouglas Mwonzora.

VaMwonzora vati vanhu vakakwanisa kuvhota murunyararo pasina mhirizhonga uye vati vanofara kuti vari kutungamira pari zvino, mumiriri weDemocratic Party musarudzo yemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, munhu anofarira vanhu vatema.

Mukuru weMedia Centre, VaMedai Centre, VaEnerst Mudzengi, vatiwo kunyange hazvo mamwe masangano achiita sekuti VaBiden vachakunda musarudzo idz, izvi zvichazivikanwa kuti akunda ndiani kana mavhoti ose apedza kuverengwa.

Mushandi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vatiwo mhirizhonga yamuka kune dzimwe nzvimbo muAmerica inoratidza kuti America yakakongofanana nezvinoitika kune dzimwe nyika.

Vati America inofanira kunyara nezviri kutika nekuti ndiyo inogaro svora dzimwe nyika nekuda kwemhirizhonga musarudzo.

VaMugwadi vati Zanu PF hainewo nezvichabuda musarudzo idzi nekuti mapato ari musarudzo idzi akafanana.

Kana VaBiden vakakunda, America ichaita mutevedzeri wemutungamiri wechikadzi, uye ari munhu mutema, Amai Kamala Harris, uye aka ndiko kanenge kari kekutanga munhoroonda yenyika iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG