Amai Madosi-Falder, avo vakaenda kuEngland muna 2001, munhu akanga akadzidzira basa rekugadzira dzinhare mushure mekushandira kambani yenhare yeTel-One kuMsasa muHarare kwemakore akawanda.
Bato rinopikisa reMDC T rinoti riri kutambira danho rinonzi rakatorwa nekomisheni inorwisana nehuwori, yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, rekuti makambani akawanda pamwe nevanhuwo zvavo vakaita zvehuwori vave kuongororwa.
Dambudziko rekushomeka kwemari iri kuwanikwa kumabhanga emunyika rinonzi rave kukanganisawo makambani akawanda, sezvo achida mari zuva nezuva kuti akwanise kufambisa mabasa awo.
Mapurisa edivi reLaw and Order anonzi ashevedza zvakare munin’ina waVaItai Dzamara, Doctor Patson Dzamara achiti anoda kuti vavape humwe humbowo pamusoro pezvavakataura nemusi weChitatu pavakaita mumwe musangano.
Nhengo dzemasangano anorwira kodzero dzevanhu anoti reZimbabwe Activists Alliance, Occupy Africa Unity Square Movement neZimbabwe Women in Politics Alliance, dzakabata nevamwe vana veZimbabwe, vari kurara pamwe nekuswera muAfrica Unity Square vachiratidzira kwemazuva gumi nematanhatu.
Munin’ina waVaItai Dzamara, Doctor Patson Dzamara vasangana nechikwata chematikitivha edivi reLaw and Order chichi tungamirirwa naAssistant Commissioner Crispen Makedenge, pamwewo nenhengo mbiri dzedivi revasori.
Gweta riri kumirira Doctor Dzamara, VaCharles Kwaramba vanoti ichokwadi kuti mapurisa ari kuda kunzwa kubva kuna Doctor Dzamara, uye vachavaperekedza kumapurisa mangwanani emusi weChitatu sezvo vakundikana kundea navo nekuda kwekubatikana nemamwe mabasa.
Imwe nyanzvi mune zveupfumi inoti kushandurwa kwemazuva achaburitswa mari itsva ye ma bond notes kunotowedzera kuderera kwechivimbo muvanhu.
Mukuru wesangano revechidiki reYouth Advocacy for Reform and Democracy, YARD, VaTemba Mliswa, avo vakasungwa neSvondo kuEsigodini mudunhu reMatabeleland South, vamiswa pamebri pedare redzimhosva kuEsigodini kwakare vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo wePublic Order and Security Act kana kuti POSA.
Kuramwa mabasa kwevashandi veNational Railways of Zimbabwe, NRZ, kuchaenderera mberi zvichitevera kusabudirira kwemusangano pakati pasachigaro vebhodhi reNRZ, VaLarry Mavima, hutungamiri hwekambani iyi pamwe nevamiriri vemasangano evashandi nemusi weChina.
Nyazvi munyaya dzezvehupfumi uye vanhuwo zvavo munyika vari kushora zvikuru vemabhanga uye vemuzvitoro nekuvabhadharisa mari dzemitero kwavari kuita kuti vatore mari dzavo mumabhanga kana kuwana mari muzvitoro.
Gungano iri, iro rinounganidza pamwechete vana veZimbabwe vari kunze kwenyika, zvikuru kuno kuAmerica, richatanga neChishanu 27 Chivabvu richipera nemusi weMuvhuro 30 2016.
Sachigaro vekambani yeNational Railways of Zimbabwe, NRZ, VaLarry Mavhima vanoti kambani iyi yarasikirwa nemari inosvika madhora mamiriyoni gumi nemana kubva zvakatanga vashandi kuramwa mabasa munaKurume.
Vagari vemuguta reHarare neNorton vachange vasina mvura kwemazuva neMugovera neSvondo zvichitevera danho rekanzuru rekuvhara mvura kuti igadzire pamwe nekuisa dzimwe pombi itsva pamichina inochenesa mvura iri paMorton Jaffray Water Plant.
Vechidiki vebato reZanu PF vanoti hurongwa hwavo hwekufora vachiratidza rutsigiro rwavo kumutungamiri wenyika VaRobert Mugabe hwave padanho repamusorosoro zvichitevera kupiwa kwavo mvumo yekupinda mumigwagwa nemapurisa emuHarare.
Sabhuku Godfrey Manemwe vekuMudzi West kuMashonaland East vatanga kupika vachishandira pachikoro cheChingwena Primary School mushure mekuwanikwa nedare reMudzi Community Court neChipiri vaine mhosva yekurova nhengo yeMDC T, uye vari babamudiki vavo, VaJoseph Manemwe.
Vaive vashandi vekanzuru yeChitungwiza makumi maviri vakasungwa neChishanu chapfuura mushure mekuratidzira pamahofisi ekanzuru iyi, vakundikana kumira pamberi pedare sezvanga zvakatarisirwa.
Vakambomiswa basa sameya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti nanhasi havaoni sepane mutemo wavakatyora mukuita kwavo basa, kunyange hazvo maonero egurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSavior Kasukuwere, akasiyana neavo.
Sangano reWorld Food Programme, WFP, razivisa kuti kubva kutanga kwegore rino kusvika mukupera kwaKubvumbi, Zimbabwe yakwanisa kutenga kubva kunze chibage chine huremu hunosvika mazana matatu nemakumi mashanu ezviuru zvematani
Rodhai zvimwe