Accessibility links

Breaking News

Mumwe Sabhuku Opika Mushure Mekuwanikwa neDare Aine Mhosva Yekurova Nhengoi yeMDC T


Sabhuku Manemwe vakawanikwa vaine mhosva yekurova munhu
Sabhuku Manemwe vakawanikwa vaine mhosva yekurova munhu

Mumwe sabhuku kuMudzi West pasi paIshe Nyamukoho mudunhu reMashonaland East, VaGodfrey Manemwe, vanonzi vatanga kupika vachishandira pachikoro cheChingwena Primary School mushure mekuwanikwa nedare reMudzi Community Court neChipiri vaine mhosva yekurova nhengo yeMDC T, uye vari babamudiki vavo, VaJoseph Manemwe.

Vachitaura neStudio 7, VaJoseph Manemwe vanoti vakarohwa nasabhuku Manemwe muna Kubvumbi wegore rino vachivapomera mhosva yekuzvizivisa kuti inhengo yeMDC T pane mumwe musangano wakaitirwa pachikoro cheChingwena munaKukadzi.

VaManemwe vakuru vanoti vakarwiswa nasabhuku ava, nekuti vanoti havadi vanhu vemapato anopikisa hurumende mubhuku ravo, kunyange vagara vachitsigira bato ravo iri kubva munguva yarakaumbwa.

"Takanga tiri padare rasabhuku achibva andibvunza kuti sei ndakasimuka ndichiti ndiri weMDC pamusangano wakaitirwa pachikoro. Ndipo paakabva andirova pakavandika pangu achibva andikuwadza mabhora," VaManemwe vanodaro.

Vanoti vakazoenda kumapurisa paKotwa vachibva vapiwa tsamba yavakazoenda nayo kuchipatara cheKotwa uko chiremba akavaona akati vanende kuHarare.

"Ndakazoenda kuHarvester (Harvest House) kwandakazopiwa tsamba yekuendesa kuAvenues Clinic kwandakazoitwa scan ne x-ray ndakanzi pandakarohwa pakanga pazara mvura yaifanirwa kuto dhireniwa," VaManemwe vanodaro.

Dare rinonzi rakashandisa humbowo hwekurapwa kwavo uhu mukuwana kwaro Sabhuku Manemwe vaine mhosva nhatu dzinoti kurova baba, kutonga nedemo uye kuzvidza mapurisa.

Izvi zvinonzi ndizvo zvakazoita kuti mutongi ape mutongo wekuti vashande pachikoro apa kwemwedzi gumi nemiviri asi mwedzi mina yakazosendekwa parutivi.

Izvi zvinoreva kuti sabhuku ava vave kushanda mwedzi misere chete, vachitanga basa nenguva dzenomwe vachipedza nenguva dzena zuva roga roga, kubva Muvhuro kusvika Chishanu.

VaJoseph Manemwe vanoti vanofadzwa zvikuru nemutongo uyu sezvo dare rakaratidza kuti haritarisi kuti munhu abuda mumba maani.

"Mwana wemukoma wangu chaiye, zvekuti ndini ndaifanirwa kunge nditori sabhuku asi vakomana ivava vakanditadzisa vachiti nekuti ndiri muMDC," VaManemwe vanodaro.

Studio 7 yakundikana kubata sabhuku Manemwe kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Hurukuro naVaJoseph Manemwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG