Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oda Kubvunzurudza Dr Dzamara neZveMashoko Ekuti veChiuto Ndivo Vakapamba Mukoma Wavo

Mumwe wevaratidziri veMDC T achikurudzira kudzorwa kwaVaItai Dzamara
Mumwe wevaratidziri veMDC T achikurudzira kudzorwa kwaVaItai Dzamara

Matikitivha edivi reLaw and Order muHarare anonzi nemusi weChipiri akashevedza kumahofisi avo Doctor Patson Dzamara, vanove munin’ina wemurwiri wekodzero akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara, pamusoro pemashoko avakapa kuvatori venhau neMuvhuro ekuti vave nehumbowo hwevanhu vakapamba mukoma vavo.

Gweta riri kumirira Dr Dzamara, VaCharles Kwaramba vanoti ichokwadi kuti mapurisa ari kuda kunzwa kubva kuna Dr Dzamara, uye vachavaperekedza kumapurisa mangwanani emusi weChitatu sezvo vakundikana kuenda navo nekuda kwekubatikana nemamwe mabasa.

“VaDzamara vadaidzwa nemapurisa saka mapurisa aya azondoshevedzawo ini sezvo VaDzamara vati vanoda kubvunzwa pane magweta avo. Saka nekuti ini ndanga ndakabatikana nedzimwe nyaya dzandanga dziinadzo ku court, ndazotaura nemukuru wemapurisa VaMakedenge ndakakumbira kuti tiende mangwana,” VaKwaramba vanodaro.

Assistant Commissioner Crispen Makedenge ndivo vari kutungamira kuferefetwa kwenyaya yaVaItai Dzamara iyi.

VaKwaramba vatiwo mapurisa haana zvawo kuvapa zvakawanda pamusoro pemusangano uyu, asi varumwa nzeve kuti une chekuita nemusangano wavo nevatori venhau.

NeMuvhuro, Doctor Dzamara vakaudza vatori venhau kuti vakawana mashoko ekuti mukoma wavo akapwambwa nevedivi revasori vemuchiuto uye vakapiwa mazita evanhu vakaita izvi gore rapera munaKurume.

Kubva muna Kurume gore rapera kusvika nhasi hapana ati aziva kunaVaItai Dzamara, kunyange hazvo Doctor Dzamara vakaratidza vatori venhau mufananidzo wemunhu akanga akasungwa musoro nekumeso, wavakati ndewe mukoma wavo.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Hurukuro naVaCharles Kwaramba
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG