Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe, Amai Madosi-Falder Voshura Mare nekuGadzira Mbatya


Amai Madosi-Falder vanotengesa mbatya dzavo pasi pezita rekuti Mavhu Clothing
Amai Madosi-Falder vanotengesa mbatya dzavo pasi pezita rekuti Mavhu Clothing

Vakuru vakati wakagarira maoko hapana chinobuda. Iyi ndiyo chenjedzo yakangwarirwa nechimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuNottingham, kuEngland, Amai Afinah Madosi-Falder, avo vari kusona mbatya dzemhando yepamusorosoro dzavari kutengesera zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe pamwe nevekune dzimwe nyika.

Amai Madosi-Falder, avo vakaenda kuEngland muna 2001, munhu akanga akadzidzira basa rekugadzira dzinhare mushure mekushandira kambani yenhare yeTel-One kuMsasa muHarare kwemakore akawanda.

Asi vanoti chido chekusona vakanga vagara vainacho kubva pavakaita zvidzidzo zvekusona vachiri kuchikoro.

“Ndakanga ndagara ndiri munhu aifarira zvekusona, zvekuti tiri kuPTC paya ndaiti masikati kubasa, manheru neweekend ndosona mbatya dzangu,” vanodaro Amai Madosi-Falder.

Semudzimai aigara zvake kumba achichengeta vana vavo vana, Amai Madosi-Falder vanoti izvi zvakavawanisa nguva yekugadzira zvipfeko zvavo.

Asi vanoti mushure mekunetswa nevanhu vaifarira mbatya dzavo, vakazotangawo kusonera shamwari dzavo, idzo dzakazoshambadzawo mabasa avo, kusvika vave kunetswa nevekunze vachidawo kusonerwa.

Pari zvino vanosona mbatya vachidzitengesa pasi pezita rekuti ‘Mavhu Clothing’, Mavhu riri rimwe zita ramai vavo, avo vakashaya makore makumi maviri apfuura.

“Ndaingotsvaga zita rekuti ndishandise mubhizinesi rangu, asi zita rekuti ‘Mavhu’ raingoramba richiuya mumusoro mangu kusvika ndazongotora iroro,” vanodaro.

Vanoti vakatanga vachiwana zvavo chekutandara nacho asi pari zvino vatopinda mubhizinesi rembatya, vachisona dzemadzimai, vana pamwe nevanhurume.

Amai Madosi-Falder vanoti kubva pavakatanga kusona zvebhizimusi ravo, mbatya dzavo dzave kutengwa nevanhu vari muBritain makare, nedzimwe nyika dziri kure dzinosanganisira Zimbabwe, South Africa, Malaysia, Spain neAmerica.

Hurukuro naAmai Afinah Madosi-Falder
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG