Munin’ina waVaItai Dzamara, Doctor Patson Dzamara vasangana nechikwata chematikitivha edivi reLaw and Order chichi tungamirirwa naAssistant Commissioner Crispen Makedenge, pamwewo nenhengo mbiri dzedivi revasori.
Musangano uyu, uyo waitirwa paHarare Central Police Station mangwanani unotevera kukokwa kwaDoctor Dzamara nemapurisa kuti vavatsanangurire nezvemashoko ekuti vave neruzivo rwevanhu vakapamba mukoma wavo avakapa kuvatori venhau uye mufananidzo wavanoti ndewa VaItai Dzamara.
Gweta raDoctor Dzamara VaCharles Kwaramba, avo vaperekedza Doctor Dzamara, vanoti Doctor Dzamara vataura zvose zvavanoziva pamusoro pehumbowo hwavakawana uhwu, uye vazivisawo mapurisa aya nezvekusafara kwavo nemafambisirwo ari kuitwa nyaya yekutsvaga kune mukoma wavo.
"Taenda kumapurisa takanoita interview. Mapurisa anga achingobvunzawo kuti takanzwa imi VaDzamara muchiburitsa statement saka tanga tichia kunzwa nezvestatement yacho kuti hee, mune inforamtion here yamungatipe ingatibatsire pakuferefeta nyaya yekushaikwa kwaVaDzamara," VaKwaramba vanodaro.
VaKwaramba vanoti musangano wavaita nemapurisa uyu wanga uri musangano wakasununguka zvikuru, sezvo Doctor Dzamara vanga vasingabvunzurudzwe semusungwa, asi kuti vanga vachipangana nemapurisa mukuda kwavo kuti akwanise kuwana kune mukoma wavo.
"VaDzamara vazviburitsawo pachena kumapurisa kuti havana chekuviga kana chekuvanza, shungu dzavo chete dziri pakuti eeh, mukoma vavo awanikwe," vanowedzera VaKwaramba.
Vanoti mapurisa ati ivo vari kuzama kwazvo kuita zvavangangoita kuti Dzamara awanikwe, vakatiwo Doctor Dzamara vaburitsawo pachena kumapurisa kuti havachanyanyovimba nemufambiro uri kuita zvinhu.
"Doctor Dzamara vari kutotarisira kuti dai mapurisa awedzera, adzikisa gejo panyaya dzekuferefeta kwacho nekuti ivo havasisina kutendeseka, yatingati faith, nemuitirwo uri kuitwa zvinhu."