Imwe nyanzvi mune zveupfumi inoti kushandurwa kwemazuva achaburitswa mari itsva ye ma bond notes kunotowedzera kuderera kwechivimbo muvanhu.
Doctor Prosper Chitamba vanoshanda neshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vanoti sezvo vanhu vanga vagara vasina chivimbo nemari itsva iyi, kunonoka kubuda kwayo kuchatoita kuti vanhu vairambe zvakanyanya.
“I think dambudziko rangoitika mu economy kana kuti mu market ndere kuti nyaya ye confidence yabva yakanganisika zvakanyanyisa. Vanhu havachisina confidence mumabhanga, mu financial system,” Doctor Chitambara vanodaro.
Vanoti izvi zvatowedzera kuti vanhu vade kuchengetera mari dzavo kudzimba, kana kuda kutora mari dzavo shoma dzanga dzasara dzichiri kumabhanga.
“Even kana zvakanzi ma bond notes auya, hazvisi zvinhu zvichabatsira kudzereredza confidence mu economy kana mu banking sector,” Vanowedzera.
Gavhuna webhanga guru renyika, Dr John Mangudya vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti bhanga ravo harichakwanisa kuburitsa ma bond notes muna Chikumi sezvakange vambozivisa.
VaMangudya vakati mari idzi dzave kuzoparurwa muna Nyamavhuvhu wegore rino, sezvo dzichiri kukwenenzverwa, izvo zvinoda nguva kugadziriswa.
Asi vakawanda vanonzi vari kuramba kutambira mari idzi vachiti inzira yehurumende yekuda kudzora nayo ma bearer cheque, ayo akapedzisira asisina huremu hwemari inobatika.