Accessibility links

Breaking News

VaManyenyeni Vanoti Havana Mutemo Wavakatyora


Vakambmiswa basa sameya weHarare, VaBernard Manyenyeni
Vakambmiswa basa sameya weHarare, VaBernard Manyenyeni

Vakambomiswa basa sameya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti nanhasi havaoni sepane mutemo wavakatyora mukuita kwavo basa, kunyange hazvo maonero egurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSavior Kasukuwere, akasiyana neavo.

Vakambomiswa basa sameya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti nanhasi havaoni sepane mutemo wavakatyora mukuita kwavo basa, kunyange hazvo maonero egurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSavior Kasukuwere, akasiyana neavo.

Vachitaura kekutanga kubva pakaraswa nedare repamusoro chikumbiro chavo chekuti nyaya yavo ikasike kunzwikwa kumatare, VaManyenyeni vanoti kumiswa kwavo basa pamwe chete nemunyori weguta, VaJames Mushore, kuri kukanganisa mafambisirwo ezvinhu zvakawanda mukanzuru yeHarare, kunyange hazvo paina meya nemunyori vakafanobata matomu.

β€œIni handina dambudziko nekumiswa kwangu basa, asi kunze uko kune vanhu vakawanda vasiri kufara nedanho raVaKasukuwere iri. Asi handina nguva yandinozombofa ndakati ndakakanganisa pane zvandakaitira guta,” vanodaro VaManyenyeni.

Vanoti kumiswa kwavo basa kune zvakawanda zvakuri kukanganisa zvakaita sekugadzirisa nyaya dzemihoro yevashandi avo vave nemwedzi yakawanda vasina kupiwa mihoro yavo nekutakurwa kwemarara zvinoda hutungamiri hune hunyanzvi.

VaKasukuwere vakamisa VaManyenyeni basa masvondo matatu apfuura vachivapomera mhosva yekusateerera mushure mekunge VaManyenyeni vapinza basa VaMushore semunyori mukuru wekanzuru.

Svondo rapera dare repamusoro rakarasa nyaya yakanga yakwidzwa naVaManyenyeni kudare iri vachida kuti nyaya yavo yekumiswa basa ikasike kunzwikwa nematare.

Hurukuro naVaBernard Manyenyeni
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

​
XS
SM
MD
LG