Accessibility links

Breaking News

Kunetsa kweMari Munyika Kwokanganisa Makambani Akawanda

VaObert Gutu
VaObert Gutu

Dambudziko rekushomeka kwemari iri kuwanikwa kumabhanga emunyika rinonzi rave kukanganisawo makambani akawanda, sezvo achida mari zuva nezuva kuti akwanise kufambisa mabasa awo.

Vamwe vevari kukanganiswa nedambudziko iri ikambani yemagweta yeGutu & Chikowero Attorneys, iyo ine vashandi vanodarika makumi maviri.

Mumwe wevakuru vekambani iyi, VaObert Gutu, vanove zvakare mutauriri weMDC T, vanoti dambudziko rekuti mabhanga akadzikisa mari dzinokwanisa kutorwa pazuva rave kuvapinza padambudziko sezvo vachine vamwe vashandi vanoda kutambiriswa mihoro yavo iri keshi.

"Ini semushandirwi Jonga, dambudziko rekushaikwa kwemari riri kuti shungurudza zvekuti kana kuti tichi runner business racho semagweta kudai zvaa kuti shungurudza," VaGutu vanodaro.

Vanoti kubva pakaziviswa nezvekuunzwa kwema bond notes munyika, vanhu vanenge vave kutogara vari mumitsetse yemabhanga vachida kutora mari dzavo.

"Nyaya yekubhadhara vashandi, iroro ratove dambudziko guru ratiinaro nekuti kune vamwe vasina maa, atingangoti muChirungu, ma bank accounts. Saka vanhu ivavo vanenge vachida mihoro yavo iri cash."

Zvinonzi muHarare mitsetse yekutora mari kumabhanga akawanda yanga yakareba zvikuru.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG