Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuHarare neNorton Voshaya Mvura Pachagadzirwa Michina yeMorton Jaffray Mukupera kweSvondo


Dzimwe pombi dzemvura muHarare dzinonzi dzave tsaru
Dzimwe pombi dzemvura muHarare dzinonzi dzave tsaru

Vagari vemuguta reHarare neNorton vachange vasina mvura kwemazuva neMugovera neSvondo zvichitevera danho rekanzuru rekuvhara mvura kuti igadzire pamwe nekuisa dzimwe pombi itsva pamichina inochenesa mvura iri paMorton Jaffray Water Plant.

Mutauriri wekanzuru yeHarare VaMichael Chideme vanoti kuvharwa kwemuvra kuchapa vashandi vekanzuru mukana wekubatanidza pombi dzinotora mvura kubva kudhamu reDarwendale nedzinobva kuLake Chivero zvisina njodzi sezvo vachange vachishandisa magetsi kunama dzimwe simbi, izvo zvisingade kuitwa pane mvura.

“Pombi dziri kuiswa idzi dzichabatsira mukutorwa kwemvura yakachena kubva kuDarwendale ichisangana neinobva kuLake Chivero, izvo zvinozochipira vagary sezvo tisingazoshandisi mari dzakawanda mukuchenesa mvura,” VaChideme vanodaro.

VaChideme vanoti kanzuru yakwanisa kuita basa iri kuburikidza nemari yechikwereti chakawanikwa kubva kuChina.

Vanoti nzvimbo dzichasara dziine mvura misha yakaita seMbare, Sunningdale, Hatfield, Waterfalls neChitungwiza sezvo dzichitora mvura kubva kuPrince Edward Treatment Plant.

“Vanhu vakaziviswa, takavapa chiziviso kuti vanhu veduwe, tave kuenda kunovhara mvura pa weekend ingeyi makachereredzera mvura kuti munge muine mvura yakakwana.”

Vanoti kanzuru yavo ichange ichibatsira nguva nenguva nzvimbo dzinoshandisa mvura yakawanda dzakaita sezvipatara, kunyange zvipatara zvizhinji zviine matangi ekuchengetera mvura.

Hurukuro naVaMichael Chideme
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG