Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weSangano reYARD, VaMliswa Vanoburitswa neDare muHusungwa

Mutungamiri weYARD, VaTemba Mliswa, (kurudyi)
Mutungamiri weYARD, VaTemba Mliswa, (kurudyi)

Mukuru wesangano revechidiki reYouth Advocacy for Reform and Democracy, YARD, VaTemba Mliswa, avo vakasungwa neSvondo kuEsigodini mudunhu reMatabeleland South, vakamiswa pamberi pedare redzimhosva kuEsigodini kwakare vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo wePublic Order and Security Act kana kuti POSA.

Gweta raVaMliswa, VaLizwe Jamela vanoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti mutongi wedare aona zvakakodzera kuti VaMliswa vatongwe vachibva kumba kwavo vasina kubvisiswa mari yechibatiso.

“VaMliswa vakasungwa nezuro (Svondo) vaine vamwe vavo 23 vavaifamba navo, vachibva kuBulawayo vakasvika kuEsigodini vakati regai timbotura zvedu mafemo, vavane zvekudya sezvo aive masikati, vachibva vatonzi watove musangano,” VaJamela vanodaro.

Vanoti vakabva vasungwa vari makumi maviri nevana vachipomerwa mhosva yekuita musangano vasina kutanga vapiwa mvumo.

VaJamela vanoti VaMliswa dzimwe nhengo makumi maviri nenhatu dzeYARD idzi dzakazoregwa dzisina mhosva yadzakapomerwa, kukasara VaMliswa, avo vakarara usiku humwechete muchitokisi chemapurisa.

VaJamela vanoti VaMliswa vanzi vadzoke mudare musi wa 22 Chikumi. Vasati vasungwa, VaMliswa vanonzi vakambonetsana nemumwe kanzura mudunhu iri, VaPatson Sibanda, avo vaiti VaMliswa vakanga vavazvidza zvikuru nekuita musangano mudunhu ravo vasina kutanga vavakumbira mvumo kana kuvazivisa.

Hurukuro naVaLizwe Jamela
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG