Svondo rino nzira dzose dzemuAmerica dzinonzi dzakananga kumahombekombe ekumawirira enyika iyi, muguta reLos Angeles mudunhu reCalifornia, uko kuri kuitirwa mutambo weZimExpo U.S.A wechigumi neshanu.
Gungano iri, iro rinounganidza pamwechete vana veZimbabwe vari kunze kwenyika, zvikuru kuno kuAmerica, richatanga neChishanu 27 Chivabvu richipera nemusi weMuvhuro 30 2016.
Mumwe wevakuru veZimExpo U.S.A vachiona nezvekufambiswa kwemari, VaSimbarashe Usore vanoti uyu ndiwo mukana mukuru wekuti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vaungane vachidyidzana pamwe nekupakangana mazano munyaya dzemabhizimusi.
“Mutambo weZimExpo wagara uriko gore negore, sezvamataura hongu rino igore rechigumi neshanu. Pazvakavambwa pfungwa yaivepo yaive yekupa mukana kuvana veZimbabwe vari mune zvemabhizimusi kuti vadyidzane, asi zvakazowedzerwa kuti zvipinze chero munhu anobva kuZimbabwe,” VaUsore vanodaro.
VaUsore vanoti gore rino vakaronga mitambo yakawanda inosanganisira mhanzi, makwikwi ekutsvaga tsvarakadenga yemuAmerica, nhabvu, zvemabhizimusi, nezvimwe zvakawanda.
“Makore ose tinouyisa muimbi kubva kumusha, saka gore rino takakoka Cynthia Mare. Vakawanda vanoziva mhanzi yake, uye achangobva kuwana mibairo kuNAMA Awards, saka tinoti uyai mutandare vana vwZimbabwe,” VaUsore vanodaro.
Panyaya yekuti hurongwa hwavo hune zvematongerwo enyika uye kuti vanodyidzana nerimwe bato rezvematongerwo enyika, vanoti hakuna zvakadaro sezvo vachishanda nechero bato rinenge riine zvarinoda kubatsira nazvo vana veZimbabwe.
“Hakasi kekutanga kunzwa zvakadaro, asi regai nditore mukana uyu kutsanangura kuti isu hatina bato ratinoshanda naro, uye hatisi vebato rezvematongerwo enyika, hatifi takaita uye hatina kumbobvira takaita.”