Accessibility links

Breaking News

Vashandi veNRZ Vari Kuramwa Mabasa Vopatsanurana Sezvo Vamwe Vodzokera kuMabasa


Vashandi veNRZ vanoti vave nemwedzi inodarika gumi nemishanu vasati vapiwa mihoro yavo
Vashandi veNRZ vanoti vave nemwedzi inodarika gumi nemishanu vasati vapiwa mihoro yavo

Sachigaro vekambani yeNational Railways of Zimbabwe, NRZ, VaLarry Mavhima vanoti kambani iyi yarasikirwa nemari inosvika madhora mamiriyoni gumi nemana kubva zvakatanga vashandi kuramwa mabasa munaKurume.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti vamwe vevashandi veNRZ, vari pakuramwa mabasa vave kudzokera kubasa rumwe rumwe vachitevera tsamba yakanyorwa nekambani iyi nemusi weChina svondo rapera yekuti vange vadzokera kubasa mukati mezuva rimwe chete.

Munyori mukuru werimwe sangano revashandi veNRZ, reZimbabwe Amalgamated Railway Workers Union, ZARWU, VaKenneth Nhemachena vanoti kudzokera kumabasa kwevamwe vashandi uku kwave kutsemura vashandi nepakati, kunyange hazvo kuramwa mabasa uku kuchiri kuenderera mberi.

"Hongu vamwe vashandi vari kudzokera kumabasa asi vamwe vari kuti kana tichidzingwa tinodzingwa zvedu, hatidzokere nekuti tinenge tisina chekudya nechekufambisa. Izvi zvatsemurawo vashandi nepakati," VaNhemachena vanodaro.

Mugwaro rekambani iyi, NRZ inoti kukundikana kwevashandi vari pakuramwa mabasa kudzokera pamabasa panguva yakatarwa vanozotorerwa matanho pasi pemutemo weLabour Act, mutemo wekambani yeNRZ kana kuti Code of Conduct, pamwe nemimwe mitemo inokodzera.

NRZ yakatora danho iri mushure mekunge gurukota rezvemabasa nevashandi Amai Prisca Mupfumira vanyora tsamba yekuti vashandi vose vari pakuramwa mabasa varatidze zvikonzero zvavo zvekuti sei vari kuramwa mabasa, kana kuti Show Cause Order.

Gwaro raMai Mupfumira iri rinokurudzira kuti pachimirirwa kugadziriswa kwenyaya iyi, vashandi vose vadzoke kubasa mukati memaawa makumi maviri nemana.

Vachipindura kana paine hurongwa hwekuti sevamiriri vevashandi vasangane nevashandirwi, Nhwmachena vanoti vatambira mashoko ekuti bhodhi reNRZ riri kuda kusangana navo nemusi weChina, vachiti havana ruzivo rwekuti zvii zvichakurukurwa kumusangano uyu.

Mutauriri weNRZ VaFanuel Masikati vati tigovabata nemusi weChina kuti tinzwe kana paine shanduko dzinenge dzaitika.

Kuramwa mabasa kwevashandi uku kwapinda mumwedzi nemasvondo maviri vashandi ava vachida kuti vapiwe mari dzavo dzemihoro dzemwedzi inodarika gumi nemishanu dzavasati vapiwa.

Hurukuro naVaKenneth Nhemachena
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi VaMasimba Kuchera, nyanzvi mune zveupfumi uye vachitungamira sangano reCentre for Disability and Development, vanoti kuramwa mabasa kwevashandi uku kuri kukanganisa zvinhu zvakawanda chose munyaya dzeupfumi.

"Zvinokanganisa zvakawanda nekuti zvitima zvakachipa uye zvinotakura zvinhu zvakawanda panguva imwechete zvichienzaniswa nemabhazi kana dzimwe nzira dzekutakura zvinhu," VaKuchera vanodaro.

Vanoti kuti zvinhu zvigadzirike hurumende neNRZ vanofanirwa kusiyana netsika yekutungamidza kutenga zvinhu zvisina nebasa vachishandisa mari shoma yavanenge vawana iyoyo.

Hurukuro naVaMasimba Kuchera
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG