Nhengo dzemasangano anorwira kodzero dzevanhu anoti reZimbabwe Activists Alliance, Occupy Africa Unity Square Movement neZimbabwe Women in Politics Alliance, dzakabatana nevamwe vana veZimbabwe, dziri kurara pamwe nekuswera muAfrica Unity Square dzichiratidzira kwemazuva gumi nematanhatu.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwe Activists Alliance, Muzvare Tendayi Lynnette Mudehwe vanoti vari kurara pamwe nekuswera munzvimbo iyi senzira yekuratidzira kusafara kwevana veZimbabwe nezvavanoti zviri kuitwa nehurumende zvekusateerera vanhu.
“Tiri kuda kutaura nyaya dzatinoti hurumende yeZimbabwe igadzirise nekukurumidza, zvakaita senyaya dzeupfumi, matongerwo enyika pamwe nekurarama kwevanhu,” Muzvare Mudehwe vanodaro.
Vanoti vakaona kuti nyaya yekuratidzira zvezuva rimwe chete hainyatsoburitsi zvinyunyuto zvavo, saka vakafunga zvekuti vangogarira panzvimbo kwemazuva aya.
“Takasarudza mazuva gumi nematanhatu kuitira kuti zvinangane nezuva rakakosha munhoroondo yeSouth Africa neAfrica yose, reDay of the African Child, apo tinocherechedza mwana weAfrica,” vanowedzera Muzvare Mudehwe.
Vanoti vakatanga kurara munzvimbo iyi usiku hwemusi weChipiri uye havasati vasangana nematambudziko kubva kumapurisa, asi vanoti vanotarisira kuti vanogona kuzokanganiswa.