Accessibility links

Breaking News

WFP Inoti Zimbabwe Yakakwanisa Kupinza Munyika Matani 305 000 eChibage


Huwandu hwevanhu vari kuda chikafu hunonzi muZimbabwe hunonzi huchakwira
Huwandu hwevanhu vari kuda chikafu hunonzi muZimbabwe hunonzi huchakwira

Sangano reWorld Food Programme, WFP, razivisa kuti kubva kutanga kwegore rino kusvika mukupera kwaKubvumbi, Zimbabwe yakwanisa kutenga kubva kunze chibage chine huremu hunosvika mazana matatu nemakumi mashanu ezviuru zvematani.

Vachitaura kuvatori venhau neChina muJohannesburg, mukuru we WFP muZimbabwe VaEddie Rowe vati Zimbabwe inoda kutenga chibage chinosvika matani miriyoni nemazana matatu ezviuru, zvichienzaniswa nematani miriyoni nemazana masere ezviuru anodiwa nenyika.

NeMuvhuro sangano reUnited Nations Development Programme, UNDP, rakazvisawo kuti vanhu vangangosvika mamiriyoni mana nechidimbu vari kuda rubatsiro rwechikafu kusvika muna Kurume wegore rinouya.

Sangano iri rakati riri mushishi kutsvaga mari inoita $290 million uye kubva pakakumbirwa rubatsiro nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, rakwanisa kuunganidza mamiriyoni makumi manomwe emadhora.

VaHenry Makiwa vanove mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reWorld Vision vanoti kunyange hazvo nyika yakwanisa kupinza chibage, vanoona chiri chishoma kwazvo pachitariswa huwandu hwevanhu vari kuda chikafu.

“Panotodiwa kuwedzerwa kwechikafu nekuti huwandu hwevanhu vari kuda chikafu huri kuramba huchikwira,” VaMakiwa vanodaro.

Hurukuro naVaHenry Makiwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG