Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veZanu PF Vopihwa Mvumo yeKuratidzira neMapurisa Vachitsigira VaMugabe


Vechidiki veZanu PF vachiratidzira
Vechidiki veZanu PF vachiratidzira

Vechidiki vebato reZanu PF vanoti hurongwa hwavo hwekufora vachiratidza rutsigiro rwavo kumutungamiri wenyika VaRobert Mugabe hwave padanho repamusorosoro zvichitevera kupiwa kwavo mvumo yekupinda mumigwagwa nemapurisa emuHarare.

Munyori anoona nezveupfumi muboka revechidiki muZanu PF, VaTongai Kasukuwere vanoti vakwanisa kunge vachipiwa mhinduro pachikumbiro chavo chekuti varatidzire, sezvo sebato rinoteverawo mitemo yemunyika, vakanga vakanyorera kumapurisa vachivazivisa sezvinodiwa nemutemo.

“Isu kwatiri million man march zuva ratakasarudza i25 May sezvo riri zuva reAfrica Day, nekuti kwese kunoenda VaMugabe vanoonekwa segamba reAfrica,” VaKasukuwere vanodaro.

Vanoti vechidiki vachabatana nemamwe mapoka emubato reZanu PF akaita semadzimai, vakarwa hondo yerusununguko pmawe nevakambosungwa munguva yehondo kuti vapemberere mabasa ari kuitwa nemutungamiri webato ravo uye nyika.

Kufora uku kwakarongwa kuti kuitwe musi weChitatu, 25 Chivabvu, rinove svondo rinouya muHarare pazuva reAfrica Day vachitarisa mabasa anobatwa naVaMugabe mukuumba pamwe nekuchengetedza Africa.

Asi mukuru weboka revechidiki muMDC T, VaLovemore Chinoputsa vanoti vechidiki veZanu PF ava vari kutambisa nguva nemari, sezvo paine zvinhu zvakakosha zvakawanda zvinoda kutariswa pane kupembedza VaMugabe, avo vavanoti ndivo vaendesa nyika kumawere.

“Ndinoona kuti kutambisa ma resources mashoma iwayo aripo kuunganidza vanhu muchipemberera munhu anove ndiye asvitsa nyika patiri nhasi uno,” VaChinoputsa vanodaro.

Vanoti mapurisa anobvumidza vebato reZanu PF kuita madiro aJojina, asi ivo vachitoponeswa nematare edzimhosva kuti vakwanise kuratidzira kana vachinge varambidzwa nemapurisa kuratidzira.

Asi VaKasukuwere vanoshoropodza mashoko aVaChinoputsa aya vachiti nyaya yekufora iyi chinhu chebato reZanu PF, hachineyi nehurumende.

“Ini kuZanu PF ndiri secretary for finance ku youth. Tinopedza gore rose tichipemha kuti musangano wedu ufambe, tiri vanhu vanokwanisa kuita self-funding kuita ma programs edu,” VaKasukuwere vanodaro.

Vanoti mumusangano wavo mune vanhu vanokwanisa kubatsira nemari vakaita sevarimi, nevemabhizimusi zvekuti chinongozodiwa chete kuisa dhiziri mumabhazi ekutakura vanhu. Zanu PF inonzi iri kuunganidza mabhazi ekutakura vanhu miriyoni ava kubva mumatunhu ose emunyika.

Asi Vachinoputsa vanoti vechidiki ava vanofanirwa kutora mukana iwoyu kutisvitsira kuna VaMugabe kuti aiwa isusu tarwadziwa isu,

“Dai VaKasukuwere vakatotitorerawo mukana uyu sevechidiki, sevana veZimbabwe, kuti svitsirawo kuna VaMugabe kuti isisu tarwadziwa isu, tashungurudzika nezviri kuitika munyika nekuda kwehutongi hwavo.

“Saka naizvozvo dai VaMugabe vatora mukana uno kunozorora kwaZvimba, kunogara kwaZvimba, vana veZimbabwe vachine simba vachine simba vakwanise kuwana zvavangaite nenyika yavo iyi. Nyika ino yamira nekuda kwababa vaMugabe ivava vari kutadza kutongamirira,” VaChinoputsa vanowedzera.

Vanoti sezvo VaMugabe vave nemuzukuru dai vachienda pamudyandigere vatamba nemuzukuru wavo wekutanga uyu.

Mashoko ari kubva mumatunhu akasiyanasiyana anoti vechidiki ava vari kumanikidza vanhu kubhadhara mari yekushandisa pahurongwa uhwu, asi mashoko aya arambwa naVaKasukuwere vachiti ndeevanhu vanoda kusvibisa bato ravo.

Hurukuro naVaTongai Kasukuwere pamwe naVaLovemore Chinoputsa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG