Mapurisa edivi reLaw and Order anonzi ashevedza zvakare munin’ina waVaItai Dzamara, Dr Patson Dzamara achiti anoda kuti vavape humwe humbowo pamusoro pezvavakataura nemusi weChitatu pavakaita mumwe musangano.
Dr Dzamara vanoti vaziviswa nemapurisa kuti ari kuda kuona mufananidzo wavanoti ndewa VaItai Dzamara, uyo vakaratidza kuvatori venhau nemusi weMuvhuro.
"Patakaenda ikoko havana kunge vataura kuti vari kudeyi nendava yekuti vakangofona vakati tiri kuda kuti tikuone, zvavaida ndaisazviziva. So, ndakangoendawo ndisingazivi kuti vari kudeyi,"
Vanoti vakatozoudzwa vaveko kumapurisa kuti vaifanirwa kunge vakaenda nehumbowo hwemufananidzo.
NeChitatu Doctor Dzamara vakasangana zvakare nechikwata chematikitivha ichi chichi tungamirirwa naAssistant Commissioner Crispen Makedenge, pamwewo nenhengo mbiri dzedivi revasori paHarare Central Police Station.
Doctor Dzamara vanoti vachaenda kumapurisa neChishanu vachi perekedzwa nemagweta avo, sezvo vasingazvivi zvinogona kuitika kwavari vakaenda voga.