Accessibility links

Breaking News

Vaive Vashandi veChitungwiza Vakasungwa Svondo Rapera Vanotadza Kumiswa Pamberi peMatare


Kanzuru yeChitungwiza inonzi haina kubhadhara vaive vashandi vayo kwemwedzi inodarika makumi maviri
Kanzuru yeChitungwiza inonzi haina kubhadhara vaive vashandi vayo kwemwedzi inodarika makumi maviri

Vaive vashandi vekanzuru yeChitungwiza makumi maviri vakasungwa neChishanu chapfuura mushure mekuratidzira pamahofisi ekanzuru iyi, vakundikana kumira pamberi pedare sezvanga zvakatarisirwa.

Vaive vashandi vekanzuru yeChitungwiza makumi maviri vakasungwa neChishanu chapfuura mushure mekuratidzira pamahofisi ekanzuru iyi, vakundikana kumira pamberi pedare sezvanga zvakatarisirwa.

Vaive mutungamiri wevashandi uye vakamiswawo basa, VaEphraim Katsinha, vanoti vashandi ava vazoudzwa kunzi mapepa avo anga asiri mugwara izvo zvazoita kuti vanzi vachazoziviswa nezvezuva ravachapinda mudare.

“Mapurisa anga aita docket rimwechete rekunzi vakazvidza mutongo wedare, asi pazoonekwa kunzi pavanhu ivava vatatu chete ndivo vanobatwa nemhosva yekuzvidza dare,” VaKatsinha vanodaro.

Vanoti vashandi ava vaifanirwa kunge vari muzvikwata zviviri, chine vashandi vatatu vari kupomerwa mhosva yekuzvidza mutongo wedare mushure mekunge vasvika pamahofisi ekanzuru ipo paine mutongo unovarambidza kuita izvi, nechimwe chine vanhu gumi nevanomwe, avo vanzi mapurisa haasati awana mhosva yekuvapomera.

Vashandi ava ndevamwe vevashandi mazana maviri nemakumi matatu nevana vari kuratidzira vachigara pamahofisi ekanzuru yeChitungwiza vachida mari dzavo dzemihoro dzavasina kupiwa panguva iyo vaive vachiri pamabasa.

“Vashandi vari kuda kupiwa mari dzavo dzemwedzi makumi maviri neminomwe vasati vamiswa mabasa muna Nyamavhuvhu wegore rapera, ndizvo zvavari kuda chete,” VaKatsinha vanowedzera vachidaro.

Vanoti vashandi ava havasati vatanga kurwira kuti vapiwe mari dzavo dzekumiswa mabasa.

Vashandi ava vakasungwa neChishanu vakarara muchitokisi usiku humwe chete vasati vaburitswa neMugovera vachinzi vaizomira pamberi pedare neChipiri.

Hurukuro naVaEphraim Katsinha
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG