Mumwe wevari kushanda mukugadzirisa ramangwana rinotarisirwa ndaVaTawanda Dzvokora, avo vanozviti Chief Svosve.
Vashandi ava vanonzi vari kupomera kambani iyi kunyarara kwemwedzi gumi yose kubva pavakamiswa mabasa pasina chairi kuita.
Mapato ezvematongerwo enyika, masangano akazvimirira pamwe nemasangano anomirira machechi anoti hurumende yaVaRobert Mugabe inofanirwa kubvuma kuti yagumirwa nepfungwa kuitira kuti vamwe vasiri muhurumende vapindawo mudariro rekutsvaga nzira dzekuburitsa nyika kubva mumatope mairi.
Mutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai neChishanu vari kumutsiridza nzendo dzavo dzekushanyira matunhu vachisangana nevatsigiri vavo kuburikidza nekushanyira dunhu reMidlands.
NRZ inonzi yakanga yakwidza nyaya iyi ichi nangana nemasangano anomirira vashandi sekuti ndiwo akakonzeresa kuramwa mabasa uku.
Zvinonzi muzvikoro mazoswera mave nekugadzikana kushoma zvichitevera kuwaniswa kwevarairidzi magwaro anoratidza kuti mari dzemabhonasi dzavanga vachichemera dzakaiswa mumabhanga avo.
Hurumende inonzi yakakundikana zvakare kubhadhara varairidzi mari dzavo dzemabhonasi neMugovera wapfuura sekuvimbisa kwayakanga yaita.
Nyaya yekuramwa mabasa kwevashandi vekambani ye National Railways of Zimbabwe, NRZ, yapinda mudare re labour court muBulawayo neChishanu zvichitevera kukwira kwakaita NRZ kudare iri ichiti kuramwa mabasa kwevashandi uku kuri kunze kwemutemo.
Bato rinopikisa reRenewal Democrats of Zimbabwe, RDZ, rinoti misha yenhengo dzaro mubhuku reMukuwamombe kuMakoni North mudunhu reManicaland yakapiswa usiku hweChipiri nevanofungidzirwa kuti vatsigiri vebato reZanu PF.
Chimwe chizvarwa ichi ndaVaVakirai Mawema avo vari muWashington D.C umo vakadomwa nebepanhau reWashington Business Journal semumwe wevanhu makumi mana vane makore ari pasi pemakumi mana vane hunyanzvi hwekutungamira mune zvemabhizimusi.
Dambudziko rekushomeka kwemari kumabhanga rinonzi ratadzisa varairidzi kuwana mihoro yavo yemwedzi uno.
MDC-T inoti ichatora matanho anosanganisira kuenda kumatare edzimhosva kana gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSavior Kasukuwere, vakaenderera mberi nemashoko avo ekuti vachapa vechidiki vebato ravo reZanu PF nzvimbo dzekuvakira dzimba muguta reHarare.
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka mukanzuru yeguta reHarare zvichitevera danho rinonzi rakasvikotorwa nevakasarudzwa kuti vafanobata matomu ameya, VaChristopher Mbanga, rekusvikomisa basa vachangodomwawo semunyori weguta, VaJames Mushore.
Imwe nyanzvi munyaya dzekuchengetedzwa kwezvakatikomberedza inoti musangano uri kutarisirwa kuitwa kuNew York muno muAmerica wekusainwa kwegwaro reUnited Nations Framework Convention on Climate Change wakakosha zvikuru
Panguva iyo zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kubuda munyika zvichitsvaga mafuro manyoro, zvimwe zviri kutodzokera kumusha kuti zvino shandisa njere neruzivo rwazvinenge zvawana kunze kwenyika, kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyika.
Rimwe sangano revarairidzi, re rural teachers union of zimbabwe rinoti riri kuronga kupinda mumigwagwa nemusi wa 29 mwedzi uno richi ratidzira pamusoro pekwarinoti kusabatwa zvakanaka kwevashandi vehurumende nehurumende.
Mukoma wemurwiri wekodzero dzevanhu ave negore atsakatika, VaItai Dzamara, Dr Patson Dzamara vakamborohwa nekuchengetedza nemapurisa nemusi weMuvhuro mushure mekunge varatidzira kunhandare yeNtional Sport Stadium.
Magweta esangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights neChishanu chapfuura akakwira kudare repamusorosoro re Constitutional Court achida kuti dare iri ritare mutongo pamusoro pemhiko kana kuti National Pledge
Rodhai zvimwe