Accessibility links

Breaking News

Nyika Dziri muUN Dzotarisirwa Kusaina Gwaro reKushanduka kweKunze


Kushanduka kwemamiriro ekunze ndiko kuri kunzi kuri kukonzera matambudziko, zvikuru enzara munyika dzakawanda
Kushanduka kwemamiriro ekunze ndiko kuri kunzi kuri kukonzera matambudziko, zvikuru enzara munyika dzakawanda

Imwe nyanzvi munyaya dzekuchengetedzwa kwezvakatikomberedza inoti musangano uri kutarisirwa kuitwa kuNew York muno muAmerica wekusainwa kwegwaro reUnited Nations Framework Convention on Climate Change wakakosha zvikuru

Imwe nyanzvi munyaya dzekuchengetedzwa kwezvakatikomberedza inoti musangano uri kutarisirwa kuitwa kuNew York muno muAmerica wekusainwa kwegwaro reUnited Nations Framework Convention on Climate Change, musangano wakakosha zvikuru sezvo uchizadzisa zvisungo zvakatambirwa kuParis, kuFrance gore rapera.

VaBarnabas Mawire, vanowe mukuru weEnvironment Africa muZimbabwe, vanoti zvisungo zvakatambirwa nenyika zana nemakumi mapfumbamwe nenhanhatu muna Zvita wegore rapera zvakauya panguva yakanaka sezvo zviri kutsiva zveKyoto Declaration, izvo zvakapera kushanda.

“Saka tiri kuti isu musangano iwoyu unoita kuti vatungamiri venyika vasaine zvinoita pakuderedza aya anonzi ma emissions nekuti ma emission kana kusvibiswa kuri kuitwa muchadenga umu ndiko kuri kukonzera kuti kupise, kana kwapisa tosangana nematambudziko atinawo,” VaMawire vanodaro.

Vanoti musangano wekuParis uyu wakawiriranawo kuti kupisa kwekunze kurambe kwakatsikirirwa kuti kusakwire zvekudarika 2 degrees Celsius.

VaMawire vanoti kushanduka kwekunze ndiko kuri kukonzera matambudziko ari kutarisana nenyika dzakawanda, zvikuru dzichiri kusimukira dzakaita seZimbabwe.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakatoenda kare kumusangano uyu vachigaririra kusainwa kwegwaro reUNFCCC nemusi weChishanu.

Vanotiwo vanoona Zimbabwe ichikwanisa kuzadzisa zvimwe zvezviga zviri mugwaro iri, kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyaya dzeupfumi.

Hurukuro naVaBarnabas Mawire
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG