Zvinhu hazvina kumira zvakanaka mukanzuru yeguta reHarare zvichitevera danho rinonzi rakasvikotorwa nevakasarudzwa kuti vafanobata matomu ameya, VaChristopher Mbanga, rekusvikomisa basa vachangodomwawo semunyori weguta, VaJames Mushore.
Danho raVaMbanga iri rinonzi ratsemura nepakati kanzuru yeguta iyo ine makanzura eMDC-T akawanda.
Mamwe makanzura anonzi haasi kufara nazvo, izvo zvinonzi zvave kuita kuti aone VaMbanga semutengesi ari kutungamidza mberi zvido zvegurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSavior Kasukuwere.
VaKasukuwere vakamisa Meya Bernard Manyenyeni basa neChitatu vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo we urban council act, mushure mekunge vapinza VaMushore basa nenzira iri kunzi naVaKasukuwere yakanga isina kutwasuka.
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti kanzuru yeMDC yakawirirana kuti VaMushowe vapihwe basa, nokudaro bato ravo rinotsigira danho iri.