Accessibility links

Breaking News

Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe Chobatsira Vechidiki neRuzivo


Muzvare Busi Mhlanga
Muzvare Busi Mhlanga

Panguva iyo zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kubuda munyika zvichitsvaga mafuro manyoro, zvimwe zviri kutodzokera kumusha kuti zvino shandisa njere neruzivo rwazvinenge zvawana kunze kwenyika, kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kushuvura kuti dai zvawana mikana yekubuda munyika zvaendawo kunze kwenyika kunotsvaga mafuro manyoro zvichitiza kuoma kwezvinhu munyaya dzeupfumi pamwe nezvematongerwo enyika.

Asi panguva imweyo, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kutodzokera kumusha kuti zvino shandisa njere neruzivo rwazvinenge zvawana kunze kwenyika, kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyika.

Mumwe weavo vari kusunga twavo vachidzokera kumusha ndiMuzvare Busi Mhlanga, avo vakanga vapedza makore anokwana gumi nemanomwe vari muAmerica.

Muzvare Mhlanga vakanotanga sangano ravo rinonzi Building Opportunities On Student Talent Fellowship kana kuti BOOST, iro rino batsira kugadzirira vechidiki vanenge vapedza zvidzidzo zvavo kutarisana nechokwadi chiri kunze uko kana vachinge votsvaga mabasa.

“Sangano redu tinobatsira vanenge vapedza zvidzidzo kuvapa chivindi chekupinda munyika, pamwewo nevaya vanenge vakatotangawo mabhizimusi avo tichivapa dzidziso yekufambisa mabhizimusi avo. Tinovabatanidzawo zvakare nemamwe makambani,” Vanodaro Muzvare Mhlanga.

Muzvare Mhlanga, avo vave muHarare pari zvino vanotiwo chimwe chakavapa chivindi chekupinda munyika iri kutotizwa nevamwe vari kuti iri kutsva chidikwadikwa chekuti vana vavo vatatu vakurewo vachidzidzira zvavakakura vachiita panguva yavakakura.

Pakuti vangaonekwa zvakare vachisunga twavo vachidzokera marimuka, Muzvare Mhlanga vanoti, “Kwete! Semhuri hatitarisire kubuda zvakare nekuti hapana pandingati pachazonzi zvinhu zvanaka zvachose munyika, saka tichiri muno.”

Hurukuro naMuzvare Busi Mhlanga
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG