Accessibility links

Breaking News

Dr Patson Dzamara Vorohwa neKushungurudzwa neMapurisa

Dr Patson Dzamara
Dr Patson Dzamara

Mukoma wemurwiri wekodzero dzevanhu ave negore atsakatika, VaItai Dzamara, Dr Patson Dzamara vakamborohwa nekuchengetedza nemapurisa nemusi weMuvhuro mushure mekunge varatidzira kunhandare yeNational Sport Stadium.

Gweta raDr Dzamara VaGift Mtisi vanova nhengo yesangano reZimbabwe Lawyers For Human Rights vanoti VaDzamara vakazoenda kunorapwa kuchipatara cheAvenues Clinic mushure mekurohwa nemapurisa.

Hurukuro naVaGift Mtisi
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaItai Dzamara vakapambwa kumba kwavo kuGlen View musi wa 9 Kurume apo vaigerwa. Vanonzi vakapambwa nevarume vaisa zivikanwa asi vanofungidzirwa kuti inhengo dzesangano revasori. Asi hurumemende inoti haizivi kuti ndiyani akavapamba.

Dare repamusoro rakapa mutongo wekuti mapurisa aite zvose zvaanogona kutsvaga VaDzamara asi kusvika parizvino hapana chati chabuda magweta avo achiti mapurisa haana zvaari kuita.

VaDzamara vaitungamira chikwata chainzi Occupy Africa Unity Square vachikurudzira kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vasiye basa nekuti vainge vakundikana.

Nyaya yaVaDzamara iyi yakonzerawo mutauro wakanyanya munyika nekunze. Mapato anopikisa nemasangano akazvimirira ari kugara achikurudzira kuti vakapamba VaDzamara vavadzose.

Hurumende yeAmerica nedzimwe dzekumawirira vari kukurudzirawo hurumende kuti itsvage kuna VaDzamara.

Vanhu vane chitsama munyika vakatsakatika, vamwewo vachipondwa zvikuru vanopikisa hurumende.

XS
SM
MD
LG