Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze kweNyika Zvoramba Zvichisimudza Mureza weNyika


VaVakirai Mawema
VaVakirai Mawema

Chimwe chizvarwa ichi ndaVaVakirai Mawema avo vari muWashington D.C umo vakadomwa nebepanhau reWashington Business Journal semumwe wevanhu makumi mana vane makore ari pasi pemakumi mana vane hunyanzvi hwekutungamira mune zvemabhizimusi.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kuramba zvichisimudza mureza wenyika kuburikidza nemabasa akasiyanasiyana azviri kuita anoendesa mberi budiriro.

Chimwe chizvarwa ichi ndaVaVakirai Mawema avo vari muWashington D.C umo vakadomwa nebepanhau reWashington Business Journal semumwe wevanhu makumi mana vane makore ari pasi pemakumi mana vane hunyanzvi hwekutungamira mune zvemabhizimusi.

VaMawema vanoshanda sa senior associate kukambani yeGensler iyo ino zivikanwa pasi rose nehunyanzvi hwayo hwekudhirowa mapurani ezvivakwa pamwe nekuvaka.

“Ndingazvitsanangura senyanzvi ndichiti ndiri architect anonyanyove nechekuita nesimba pamwechete nehudzamu hunounzwa nekufunga kwakadzama kunounzwa nebasa rangu zvikuru mukugadzirisa zvinetswa pasi rose,” vanodaro VaMawema.

VaMawema vakapinda muAmerica 1997 vakasvikira kudunhu re California uko vakadzidza vakamboshanda vasati vatama vachinovaka musasa muWashington DC umo vagara kwemakore masere.

Pamabasa anokosha avaita mukushanda kwavo sa architect, VaMawema vanoti mumwe wevanhu vakagadziridza nhandare yechikwata chenhabvu yemuAmerica, chePhiladelphia Eagles.

“Ndaivewo muchikwata chakaedza kukwezva kuti mutambo we2024 Olimpics uitirwe muguta reWashington D.C. asi takazita vepiri mushure meBoston iyo yakazowana mukana uyu,” vanodaro VaMawema.

Vanoti vanofarira mutambo we rugby uyo vakambotambawo pamwe nekuve muridzi wepembe vasati vaturika shangu dzebasa.

VaMawema vanoitawo zvemumhanzi nechikwata chavo chinonzi Honey Band chiri mumusha weTakoma, uye vanoti vatsikisa mhanzi dzakati kuti.

“Ndinoitawo zvakare mabasa ekubatsira vanotambura nekupavo nguva yangu kana kuti ku volunteer. Ndinoshanda nemasangano akati kuti asi randingadoma nezita ndere Junior Achievement, iro rakazvimirira uye richishandawo pasi rose. Tinobatsira vechidiki nekuvapfekedza hunyanzvi hwekufambisa upfumi nezvimwe zvakadaro,” VaMawema vanodaro.

VaMawema, avo vane mudzimai nevana vaviri, vanoti vane tarisiro yekudzokera kumusha kana zvinhu zvagadzikana zvikuru munyaya dzeupfumi nemabasa kuitira kuti vakwanise kuzoshanda basa ravo chairo.

Asi vanoti vane tarisiro yekuti zvinhu zvichagadzikana nekukasika kumusha.

Hurukuro naVaVakirai Mawema
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG