Accessibility links

Breaking News

Kushomeka kweMari kuMabhanga Kotadzisa Varairidzi Kutora Mari Dzavanoda


Nyika inonzi haina mari yakakwana izvo zvinonzi zviri kuita kuti mabhanga atadze kugutsa makasitoma awo
Nyika inonzi haina mari yakakwana izvo zvinonzi zviri kuita kuti mabhanga atadze kugutsa makasitoma awo

Dambudziko rekushomeka kwemari kumabhanga rinonzi ratadzisa varairidzi kuwana mihoro yavo yemwedzi uno.

Dambudziko rekushomeka kwemari kumabhanga rinonzi ratadzisa varairidzi kuwana mihoro yavo yemwedzi uno.

Mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti varairidzi vakawanda vaenda kumahofisi avo vachi nyunyuta kuti vari kutadza kutora mari dzavanoda kumabhanga.

Vanoti varairidzi ava vanga vachiti mabhanga mazhinji anga achingovapa mari inoita madhora makumi mashanu chete pamunhu, inove shoma kune zvavanenge vachida.

“Varairidzi vanenge vakatarisira kuti mari idzi ndidzo dzavachashandisa kutenga zvavanoda uyewo kubhadharira vana vavo school fees sezvo zvikoro zvave kuvhurwa. Asi zvose izvi zvapinda musango,” VaZhou vanodaro.

Mumwe anoshanda kune rimwe bhanga asina kuda kudomwa nezita sezvo asingabvumidzwi kutaura nevatori venhau audza Studio7 kuti mabhanga haasi kukwanisa kuwana mari yaanoda kubva kubhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, izvo zvave kuita kuti mabhanga amirire kuwana mari kubva kune vanenge vachida kuchengetesa mari dzavo.

Mukutanga kwemwedzi uno gavhuna veRBZ, VaJohn Mangudya, vakaudza paramende kuti mabhanga emunyika akapinza mari inodarika mazana maviri emamiriyoni emadhora kubva kutanga kwegore rino kusvika mwedzi uno, asi mari iyi ichiri kutadza kugutsa misika.

VaMangudya vakati bhanga ravo riri kutora matanho akawanda anosanganisira kukurudzira veruzhinji kuti vashandise makadhi ekumabhanga pakutenga nekubhadhara zvinhu.

Vakatendawo kuti vanhu vakawanda havachada kuchengetera mari dzavo kumabhanga nekuda kwemitero yakakwira yekumabhanga pamwe nekuderera kwemari dzinoberekwa.

Asi VaZhou vanoti vakuru vehurumende vanofanirwa kumbosendeka kusawirirana kwavo nevemamwe mapato vogara pasi kuti vagadzirise zvinhu munyika.

“Inini ndinoona sekuti vakuru venyika, eeh, VaRobert Mugabe nevamwe, nevakuru vema opposition ngavambogara pasi vataurirane vachitaurirana chokwadi kuti nyika ingafamba ichienda mberi sei,” VaZhou vanowedzera.

Panya yemabhonasi evarairidzi, vanoti hurumende yakavazivisa varairidzi kuti vachawana mari idzi musi wa 30 Kubvumbi.

Asi vanoti kukundikana kwehurumende kubhadhara varairidzi mabhonasi avo, ayo vatarisira kwenguva ndefu, kucharevawo kuti zvikoro zvichangovhurwa zvakavharwa, zvichireva kuti varairidzi havasi kuzoenda kubasa pachavhurwa zvikoro musi wa 3 Chivabvu.

Hurukuro naVaTakavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG