Accessibility links

Breaking News

Dare Rinotonga Nyaya dzeMabasa Rinorasa Nyaya yeNRZ


Chitima cheNRZ
Chitima cheNRZ

NRZ inonzi yakanga yakwidza nyaya iyi ichi nangana nemasangano anomirira vashandi sekuti ndiwo akakonzeresa kuramwa mabasa uku.

Dare reLabour Court rarasa nyaya yakakwidzwa kudare iri svondo rapera nekambani yeNational Railways of Zimbabwe, NRZ, ichida kuti ripe mutongo pakuramwa mabasa kwevashandi vayo uko inoti kuri kunze kwemutemo.

NRZ inonzi yakanga yakwidza nyaya iyi ichi nangana nemasangano anomirira vashandi sekuti ndiwo akakonzeresa kuramwa mabasa uku.

Gweta riri kumirira vashandi veNRZ, VaMunyaradzi Gwisai, vanoti dare iri ratarawo kuti kurudziro yegurukota rezvevashandi nemabasa, Amai Prisca Mupfumira, svondo rapera yekuti vashandi ava vadzokere kumabasa, kukundikana kwavo vaizodzingwa mabasa, iri kunze kwemutemo.

VaGwisai vanoti mutongo wedare uyu unoreva kuti kana NRZ ichiri kuda kutevera nyaya iyi kumatare edzimhosva inofanirwa kudzokera nedanho rekukwirira vashandi kwete masangano evashandi sezvayakanga yaita.

“Izvi zvinoreva kuti nyaya iyi haisati yapera pakuti mapepa anga aisa na employer arambwa nedare. Employer anga achida kuti strike yavo inzi iri kunze kwemutemo uyezve vanenge vasina kuteerera vadzingwe mabasa, saka zvoreva kuti chishuwo cha employer ichocho hachina kubudirira,” VaGwisai vanodaro.

Vanoti vashandi vanoda kudzokera kubasa nekukasika asi havana nzira dzekuti vadzoke nadzo munyama kana mumweya sezvo vasina mari dzekukwirisa mabhazi, havana chikafu, uyezve zvinhu zvavanoshandisa zvine njodzi, zvitima.

Svondo rapera mutongi wedare iri Judge Evangelista Kabasa vakanzwa nyaya iyi asi vakati vaizopa mutongo wavo svondo rino.

NRZ yakakwira kudare ichida kuti rinzwe kuti sei vashandi vayo vanosvika mazana mapfumbamwe nemakumi mana nevaviri vakapinda mukuramwa mabasa vasina kupa chiziviso chemazuva gumi nemana sezvinodiwa nemutemo, uye kuti ndiyani akakonzeresa kuramwa mabasa uku.

Vashandi ava vave kudarika mwedzi vachiramwa mabasa vachida kuti vabhadharwe mari dzavo dzemihoro idzo dzave kudarika mwedzi gumi nemishanu vasati vapiwa.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, vamiriri vesangano reInternational Labour Organisation, ILO, kuchamhembe kweAfrica vapinda muZimbabwe kuti vabatane nevamwe vavo vehofisi yemuHarare pamusangane wavachaita nemusi weChina nesangano reZCTU pamusoro penyaya yekuramwa mabasa kwevashandi veN-R-Z uku.

Masvondo maviri adarika ZCTU yakanyorera kusangano re ILO ichida kuti rimanikidze hurumende kuti ipindire pagakava riri pakati pevashandi veN-R-Z nekambani iyi, sezvo iri pasi pehurumende.

Munyori mukuru we ZCTU, VaJaphet Moyo vanoti kubva pavakasvitsa nyaya yavo kuILO vanga vasati vawana mukana wekusangana nevamiriri vesangano iri mungave muZimbabwe kana kuchamhembe kweAfrica.

"Musangano uyu ndewedu chete isu veZCTU neILO, haupindwe nehurumende kana neNRZ nekuti vari kuda kunzwa divi redu kuti ichokwadi here kuti takati vashandi vari kutyorerwa kodzero dzavo nekusapiwa mihoro yavo," VaMoyo vanodaro.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG