Accessibility links

Breaking News

Bishop Magaya Vokurudzira VaMugabe Kunzwa Pfungwa dzeVamwe

Bishop Ancelimo Magaya
Bishop Ancelimo Magaya

Mapato ezvematongerwo enyika, masangano akazvimirira pamwe nemasangano anomirira machechi anoti hurumende yaVaRobert Mugabe inofanirwa kubvuma kuti yagumirwa nepfungwa kuitira kuti vamwe vasiri muhurumende vapindawo mudariro rekutsvaga nzira dzekuburitsa nyika kubva mumatope mairi.

Izvi zvabuda pamusangano waita nesangano re Zimbabwe National Agreement Platform, ZANP, nevatori venhau muHarare.

Vari kutungamira ZANP uye vachutungamira Zimbabwe Devine Destiny, Bishop Ancelimo Magaya, vanoti mapoka ose ari musangano ravo ari kushushikana zvikuru nemamiriro aita zvinhu munyika pamwe nekuomerwa kwaita vanhu.

Bishop Magaya vanoti Zimbabwe yapindana nematambudziko akawanda zvikuru kubva pawana nyika kuzvitonga kuzere kusvika nhasi, zvichireva kuti hurumende inofanirwa kunge yave kusanganisirawo mamwe mapoka ose ane chekuita nezvekugadziriswa kwematambudziko ari munyika.

Mapato apinda mumusangano uyu anosanganisira MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, Zimbabwe People First iri kutungamirwa naAmai Joice Mujuru, nemamwe.

Kumasangano emakereke kwapindawo Zimbabwe Devine Destiny, nePastors’ Conference.

Masangano akazvimirira anosanganisira Crisis in Zimbabwe Coalition, anomirira vagari, vanotengesa mumigwagwa pamwe nevanotengesera zvinhu kunze kwenyika.

Hurukuro naBishop Ancelmo Magaya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG