Accessibility links

Breaking News

Vaive Vashandi veNRZ Vanoenda kuMahofisi Vachida Mari Dzavo


N-R-Z iri kutadza kubhadhara vashandi vayo izvo zvakaita kuti vapinde pakuramwa mabasa
N-R-Z iri kutadza kubhadhara vashandi vayo izvo zvakaita kuti vapinde pakuramwa mabasa

Vashandi ava vanonzi vari kupomera kambani iyi kunyarara kwemwedzi gumi yose kubva pavakamiswa mabasa pasina chairi kuita.

Vaimbove vashandi vekambani yeNational Railways of Zimbabwe, NRZ, makumi manomwe vakamiswa mabasa gore rapera pasi pemutemo wechiziviso chemwedzi mitatu, vanonzi vaenda kumahofisi ekambani iyi kuBulawayo vachida kunzwa kuti vanopiwa riini mari dzavo dzekumiswa mabasa.

Vashandi ava vanonzi vari kupomera kambani iyi mhosva yekunyarara kwemwedzi gumi yose kubva pavakamiswa mabasa pasina chairi kuita.

Mumwe mushandi weNRZ ane ruzivo nezvatora nzvimbo anoti vashandi ava vazoshara mumiriri mumwechete asangana nemukuru anoona nezvevashandi vakazeya nezvenyaya iyi.

Mutauriri weNRZ, VaFanuel Masikati, vati tivabate neChipiri apo vanenge vave neruzivo rwuzere nezvenyaya iyi.

Asi munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti masangano anomirira vashandi ari pasi pesangano ravo ari kuita zvose zvaanogona kubatsira vashandi vakamiswa mabasa ava kuti vapiwe mari dzavo nemakambani avaishandira.

"Makambani mazhinji ari kukundikana kubhadhara vashandi ava mari dzavo, saka mamwe acho ari kuzoti vadzoke pabasa, asi vadzoka kudaro vari kukundikana kuvabhadhara zvakare," VaMoyo vanodaro.

Vanoti pane mamwe makambani ari kutadza kubhadhara nekuti haana mari, koti mamwe ari kuti achavabhadhara muzvidimbu zvidimbu. asiwo vanoti kune mamwe makambani asiri kutoda kubhadhara kana kutoshaya hany'a.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG