Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inokundikana Zvakare Kubhadhara Varairidzi Mari dzeBhonasi


Munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe VaRaymond Majongwe. (Photo PTUZ)

Hurumende inonzi yakakundikana zvakare kubhadhara varairidzi mari dzavo dzemabhonasi neMugovera wapfuura sekuvimbisa kwayakanga yaita.

Hurumende inonzi yakakundikana zvakare kubhadhara varairidzi mari dzavo dzemabhonasi neMugovera wapfuura sekuvimbisa kwayakanga yaita.

Izvi zvinonzi nemunyori mukuru werimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti izvi zvichaita kuti varairidzi vatadze kudzokera kumabasa pachatanga kotoro yepiri neChipiri.

“Varairidzi vakatsamwa zvisingaite nekuti vaneta nekunzi chikuku vatavata pasina chinobuda,” VaMajongwe vanodaro.

VaMajongwe vanoti hurumende yakaratidza kuti ine vamwe vana vainoda kudarika vamwe sezvo yakabhadhara vamwe vashandi vayo asi yotadza kubhadhara varairidzi.

“Masoja ane pfuti yakavapa mari dzavo asi isu nekuti tine choko nemapepa haitityi, saka tiri kuti kuvarairidzi nguva yakwana yekuti tisarambe tichirova Imbwa takaviga mupini.”

Vanoti chiri kunyanya kuvarwadza ndechekuti hurumende yacho haina kana kuita hany’a yekuvazivisa zvikonzero zvakaita kuti mari idzi dzisabhadharwa, uye kuti vachadziwana riini.

Varairidzi vaifanirwa kunge vakapiwa mabhonasi avo muna Zvita wegore rapera, asi hurumende yakanga isina mari sezvo iri kuwana mari shoma iri kupinda muhomwe mayo.

Studio 7 yakundikana kubata hurumende kuti tinzwe divi rayo panyaya iyi.

Hurukuro naVaraymond Majongwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG