Misha yenhengo dzebato reRenewal Democrats of Zimbabwe yopiswa kuMakoni North nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.
Madzimai ange ari muhunhapwa kuKuwait otarisirwa kudzoka kumusha mumazuva mashoma anotevera.
Zimbabwe National Chamber of Commerce yoronga kuita musangano wekuona kuti dambudziko rekushaikwa kwemari rogadziriswa sei?
Magweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights oendesa gurukota rezvedzidzo VaLazerus Dokora kudare repamusoro nenyaya yekuda kumanikidza vana vechikoro kuti vatore mhiko
Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa nyaya yemadzimai ekuZimbabwe ari kubatwa senhapwa kuKuwait.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.