Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, neChishanu vari kumutsiridza nzendo dzavo dzekushanyira matunhu vachisangana nevatsigiri vavo kuburikidza nekushanyira dunhu reMidlands.
Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti VaTsvangirai vachashandisawo mukana iwoyu kuona pamwe nekunzwa nezvenzara yakabata nyika pari zvino.
“Inyaya yekuti vari kungoenderera mberi nekusangana nevanhu, vana veMDC, vana veZimbabwe vachivatsanangurira nekuhwawo zvichemo zvavokuti veduwee nyika zvayave kumawere kudai todii. VaTsvangirai munhu wevanhu,” VaGutu vanodaro.
Rwendo rwaVaTsvangirai mudunhu reMidlands rwunouya panguva iyo nhengo dzebato reZanu PF mudunhu iri dziri kuburitsirana makano pamwe nekubatana pahuro nenyaya yekuti ndiyani achatsiva VaMugabe kana vachinge vasiya chigaro.
VaGutu vanoti VaTsvangirai vashanyira matunhu anosanganisira Harare, Mashonaland East, Mashonaland West neMashonaland Central, uye vanotarisirwa kuzoshanyirawo matunhu eManicaland neMatabeleland munguva pfupi inotevera.