Bato rinopikisa reRenewal Democrats of Zimbabwe, RDZ, rinoti misha yenhengo dzaro mubhuku reMukuwamombe kuMakoni North mudunhu reManicaland yakapiswa usiku hweChipiri nevanofungidzirwa kuti vatsigiri vebato reZanu PF.
Mutauriri weRDZ, VaPishai Muchauraya, vanoti midziyo yakawanda ino sanganisira chikafu, mbatya nemagumbeze zvakaparadzwa mumoto uyu, uyo vanoti wakasiya vanhu vakawanda vasisina pekugara.
VaMuchauraya vanoti vane chokwadi chekuti izvi zvakaitwa nenhengo dzeZanu PF nekuti zvakaitika mushure mekunge Zanu PF raita musangano waro mudunhu iri apo vanoti pakanzi vese vanopikisana neZanu PF vanofanirwa kutama kubva mudunhu iri kana kuti vaizotorerwa matanho asina kutsanangurwa.
Vanoti chiitiko ichi chakamhan’arwa kumapurisa epa Mayo Police Station asi kusvika pari nhasi hapana matanho ati atorwa ekusunga vanhu vavanoti ndivo vakaita izvi.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi.
Mutauriri wemapurisa Senoir Assistant Commissioner, Charity Charamba, vaudza Studio7 kuti vanga vasati vanzwa nezvekupiswa kwemisha iyi kunyange hazvo vachiita misangano yekurovana misoro mangwanani oga-oga.