Accessibility links

Breaking News

MDC T Yokurudzira Kuti Zimbabwe Anti-Corruption Commission Itore Matanho paNyaya dzeHuwori


VaObert Gutu
VaObert Gutu

Bato rinopikisa reMDC T rinoti riri kutambira danho rinonzi rakatorwa nekomisheni inorwisana nehuwori, yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, rekuti makambani akawanda pamwe nevanhuwo zvavo vakaita zvehuwori vave kuongororwa.

Asi bato iri rinoti harioni paine chikukutu chinobuda kubva mumashoko aya sezvo aka kasiri kekutanga kunzwa komisheni iyi ichiti iri kuongorora vanhu nemakambani vakaita zvehuwori asi zvichizongofa zvakadaro.

Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu vanoti chino shamisa ndechekuti komisheni iyi yakasarudza kusataura nezvemari inosvika mabhiriyoni gumi nemashanu emadhora yemangoda ekwamarange inonzi yakangotsakatika.

“Hakasi kekutanga kunzwa veZimbabwe Anti-Corruption Commission ZACC pamwe nehurumende yeZanu PF vachitaura nezvekuti aah, iye zvino tave kuda kuzogadzirisa nyaya dze corruption. Vanhu vanoita zve corruption takuzovasunga, asi nekupera kwenguva hapana chaizoitwa hapana aisungwa,” VaGutu vanodaro.

Bepanhau reSunday Mail neSvondo rakaburitsa mazita emakambani nevanhu vanonzi vakaita zvehuwori vari kuferefetwa, avo vanosanganisira VaWicknell Chivayo, vanove mukuru wekambani yeIntratrek, VaPhillip Chiyangwa vekambani yePinnacle Holdings, pamwe naVaPaddy Zhanda veVeracity Private Limited.

Studio 7 yakundikana kubata VaChiyangwa, VaChivayo pamwe naVaZhanda kuti tinzwewo mativi avo panyaya iyi.

Takundikanawo kubata vakafanobata chigaro chemutauriri weZACC, Senior Assistant Commissioner Silence Pondo kuti tinzwe divi rekomisheni yavo.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe wevanonzi vari kuferefetwa neZACC, meya weguta reHarare VaBenard Manyenyeni vaudza Studio 7 kuti vari kufereretwa nenyaya yekupinza kwavobasa VaJames Mushore.

VaManyenyeni vanoti vatoshanyirwa kumahofisi kwavo nechikwata cheZACC, uye vavapa zvose zvavanga vachida kuziva pamusoro penyaya iyi.

“Asi ini ndinoramba ndakamira pakuti hapana chatakakanganisa pakupinza VaMushore basa. Ndingati kubva 1980 kusvika nhasi hapana munhu ati apinzwa basa semapinziro ataita VaMushore,” Vanodaro VaManyenyeni.

Hurukuro naVaBenard Manyenyeni
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, VaManyenyeni vadzoka kubasa mushure mekupera kwemazuva makumi mana nemashanu vambomiswa basa negurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSavior Kasukuwere.

VaManyenyeni vanoti kudzoka kwavaita kubasa kwasanganawo netsamba yanyorwa nevakafanobata chigaro chegurukota rezevkutongwa kwematunhu, Professor Jonathan Moyo vachinzi vadzoke pabasa.

Vanoti hapana zvataurwa mutsamba iyi pamusoro pezvanga zvaita kuti vambomiswa basa, kunze kwekungonzi vadzoke pabasa.

Hurukuro naMeya VaBernard Manyenyeni
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG