Accessibility links

Breaking News

Kuramwa Mabasa kweVashandi veNRZ Kwoenderera Mberi Nekutadza Kuwirirana


Sachgaro vebhodhi reNRZ, VaLarry Mavima vakakumbira vashandi vari kuramwa mabasa kuti vadzoke kubasa
Sachgaro vebhodhi reNRZ, VaLarry Mavima vakakumbira vashandi vari kuramwa mabasa kuti vadzoke kubasa

Kuramwa mabasa kwevashandi veNational Railways of Zimbabwe, NRZ, kuchaenderera mberi zvichitevera kusabudirira kwemusangano pakati pasachigaro vebhodhi reNRZ, VaLarry Mavima, hutungamiri hwekambani iyi pamwe nevamiriri vemasangano evashandi nemusi weChina.

VaMavima, avo vanonzi ndivo vakadaidzira musangano uyu, vanonzi vakakumbira vashandi vari pakuramwa mabasa kuti vadzoke kubasa kambani yavo ichitsvaga nzira dzekuunganidza nadzo mari dzavo.

Asi mutungamiri werimwe sangano revashandi veNRZ, reZimbabwe Amalgamated Railways Workers Union, VaKamurai Moyo vanoti hapana chakabuda mumusangano uyu sezvo vashandi vari kuti vanoda kutanga vabhadharwa mari dzavo kuitira kuti vakwanise kuwana chekufambisa kuenda kumabasa, sezvo vave nemwedzi gumi nemitanhatu vasati vapiwa mari dzavo.

“Nyaya iyi ndiyoyoka inongoripo yevashandi vari kuti havana mari yekudzokera kubasa. Saka board chairman vaiti izvo endai mukumbira vashandi vadzoke pabasa,” VaMoyo vanodaro.

VaMoyo vanoti vashandi vari kuda zvikuru kuti vange vari pamabasa avo, asi havana mari dzekuti vafambise kuenda kumabasa.

Vanoti VaMavima havana chavakavimbisa kupa vashandi kunze kwekungoudza vashandi nezvezvirongwa zvehurumende zvekuti hurumende iri kuzama kutora chikwereti cheZisco Steel pamwe nekuzama kuti itakure chibage kuti igopa vashandi mari.

Svondo rapera NRZ yakapa vashandi vari kuramwa mabasa ava maawa makumi maviri nemana ekuti vange vadzokera pamabasa, kukundikana kwavo vaizotorerwa matanho.

Asi kusvika pari zvino zvinonzi hapana mushandi ati amiswa basa kana kutorerwa matanho

Studio 7 yaedza kubata mutauriri weNRZ VaFanuel Masikati kuti tinzwe divi rekambani yavo panyaya iyi, asi vati vanga vasati vapirwa nezvakabuda mumusangano uyu sezvo vasina kupindawo mumusangano uyu.

Hurukuro naVaKamurai Moyo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG