Accessibility links

Breaking News

Dambudziko Rekushaya Mari muMabhanga Roenderera Mberi muNyika


Vanhu vachimirira kutora mari dzavo mune rimwe bhanga muHarare. (Photo: Patricia Mudadigwa)
Vanhu vachimirira kutora mari dzavo mune rimwe bhanga muHarare. (Photo: Patricia Mudadigwa)

Nyazvi munyaya dzezvehupfumi uye vanhuwo zvavo munyika vari kushora zvikuru vemabhanga uye vemuzvitoro nekuvabhadharisa mari dzemitero kwavari kuita kuti vatore mari dzavo mumabhanga kana kuwana mari muzvitoro.

Vanhu vanoti kunze kwekupedza nguva yakareba vari mumitsetse, vave kubhadhara mari inosvika madhora makumi maviri pakutora mari inosvika chiuru chemadhora yavanofanirwa kunge vachitora nemadhora matatu chete.

Vanhu ava vanoti vave kumanikidzwa kutora mari inosvika chiuru chemadhora mukati memazuva gumi sezvo vari kukwanisa kutora zana remadhora chete pazuva kubva mumabhanga uye pose pavanotora mari iyi vanobhadhariswa mari.

Vezvitoro vanonziwo vari kumanikidza vanhu kuti vatenge zvavanenge vasiri kuda kuti vakwanisewo kuwana mari.

Mukuru weBankers Association of Zimbabwe Dr. Charity Jinya vanoti vemabhanga havana zvavangaite pamitero iyi nekuti vashandi vawo vanenge vawandirwawo nebasa.

Asi vanhu vataura neStudio 7 vanoti vave kupedza nguva yakareba yavanofanirwa kunge vachishanda vakaforera mari.

Kunyangwe zvazvo mukuru webhanga renyika VaJohn Mangudya vakati mabhanga ape vanhu mari inosvika chiuru chemadhora pazuva, Amai Esther Samson vati chino nyanyovashungurudza kutadza kupiwa mari yakatemerwa iyi.

“Kubvira last week tichingotora mari tichipiwa ma$200. Ndasvika na 7am kuzopiwa $200 iyoyo kuma past 3 pm kuno apa unenge wanzwa nenzara. Izvozvi ndatozotenga nartjie apo ndiro randadya pano. Tiri kuswera pano nenzara. Mari iri kunetsa” Amai Samson vanodaro.

Mumwe zvakare ange akaforera mari pabhanga reCABS ndaVaMagodo Bangwayo, avo vati vari kurasikirwa nenguva yekunge vachibata mabasa panguva iyo vanhu vazhinji vari kurarama nekubata mabasa emaoko nekuda kwekusawanikwa kwemabasa.

“Cash iri kunetsa, unogona kumira panapa 3 hours uchinzi mari hapana. Ndasvika kuma 11am asi ndiri kutobva kuwana mari ikozvino. Queue yanga yakasvika ukoko, vachimbopinza six six, kusvika vaapa 15 kusvika tazonzi tese kuma past 3 pm,” VaBangwayo vadaro.

VaJack Kavero vaudzawo Studio 7 kuti kumichina kana kuti maATM vanhu havasi kukwanisa kutora mari sezvo musina mari. Vatiwo mumabhanga vari kungoudzwa kuti hakuna mari.

Vati zvinovashungurudza zvikuru kuti vanobuda ziya kushanda vobudazve ziya kutora mari yavo kubhanga.

Nyaya ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, sangano rinomirira varairidzi reZimbabwe Teachers Association, Zimta, rati dambudziko remari kumabhanga riri kukanganisawo zvikuru mashandiro evarairidzi, sezvo vari kuzomanikidzwa kupedza nguva vari mumitsetse vachiedza kutora mari.

Mukuru weZimta, VaSifiso Ndlovu vati nemhaka yekuti mabhanga haasi kukwanisa kupa vanhu mari dzavanoda pazuva, varairidzi vazhinji vari kukundikana kubhadhara zvikwereti pamwe nemitero yepavanogara.

“Varairidzi vari kutarisira kutambira mari dzavo dzemihoro mangwana, ndinoona vazhinji vavo vachi kundikana kudzokera kumabasa kwavo vatadza kuwana mari dzavo.”

VaNdlovu vati vane hurongwa hwekumbogara pasi nevatungamiri vezvemari kuti vanzwe kuti dambudziko iri richapera riini.

Vanoti nyika inofanirwawo kusimbisa kurudziro yekuti vanhu vashandise makadhi ekumabhanga sezviri kuitwa mune dzimwe nyika dzakapoteredza.

“Tinofanirwa kusiyana netsika yekungoshandisa mari chete, toshandisawo zvimwe zvakaita sema credit card kana digital money,” VaNdlovu vadaro.

Hurukuro naVaSifiso Ndlovu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG