Makundano eCastle Lager Premier Soccer arikusvika kwamvura yacheka makumbo svondo rino asi pasina FC Platinum iyo yakatora mukombe wemwaka uno.
FC Platinum, iyo yanga ichingoda poindi imwechete mumutambo wavo neShabanie Mine, yatora mapoinzi ese matatu ndokuramba yakasiya Ngezi Platinum Stars nemapoinzi mapfumbamwe kwasara mitambo miviri chete kuti makundano aya apere.
Zvikwata zvenhabvu zvinoteverwa nechaunga Caps United ne Dynamos zviri kupinda munhandare svondo rino zviine chinangwa chimwechete chekusandura mwaka wanga wakaoma kuti upere zvinodakadza.
Vatsigiri vemitambo muZimbabwe vari mumafaro mushure mekunge chikwata chavo cherugby chemaCheetahs chakatora mukombe weAfrica Cup mushure mekurova Kenya 17-5 panguva imwe chetyo maWarriors akashanya ndokunorova Democratic Republic of Congo 2-1 mumutambo we 2019 Africa Cup of Nations.
Zvikwata izvi zviri kupinda munhandare mumakota fainari eChibuku Super Cup svondo rino zviine chinagwa chimwechete chekukunda nekufadza vatsigiri vanga vachingochema mwaka wese.
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuchikwata chine mukurumbira cheDynamos icho chatarisana nekuburitswa muCastle Premier Soccer League mushure mekunge Chapungu yakunda Shabanie.
Mutungamiri weDynamos, VaSolomon Sanyamandwe, vati Mutasa akakundikana mubasa ravakamupa uye mutevedzeri wake, George Chigove, ndiye ari kutora basa rasiiwa naMutasa.
Chikwata chichatora mukombe uyu chinowana zviuru makumi manomwe nezvishanu zvemadhora uyezve chinobudirira kumirira nyika mumakwikwi e2019 Caf Confederation Cup.
Chikwata cheZimbabwe chemaGems chaiswa mugungano rakaoma kumakundano e 2019 Netball World Cup.
Kugona Kunenge Kudada yawedzera mapoinzi ayo iri pamusoro peNgezi Platinum Stars kusvika pamapoinzi mashanu kwasara mitambo minomwe chete kuti makundano aya asvike kwamvura yacheka makumbo.
Mitambo yenhabvu iri kuenderera mberi muHarare sezvakarongwa zvisineyi kuti munyika maita dambudziko rechirwere chekorera.
Vemumhuri yemutambo vafadzwa zvikuru nekupihwa basa kwaitwa Muzvare Kirsty Coventry segurukota rezvemitambo.
Pane chivimbo chakasimba chekuti mutambi ane mukurumbira. Khama Billiart. achange ari munhandare neSvondo apo Zimbabwe iri kusangana neCongo Brazzaville kunyange hazvo asati apora kubva mukukuvara kwaakaita.
Pakapedzisira kusangana zvikwata izvi, musi wa 22 Kubvumbi, Dynamos yakarohwa 1-0 apo Denver Mukamba akamuka chibhebhenenga asi Mukamba ave kuDynamos mushure mekusiya basa kuMakepekepe.
Chikwata chine mukombe weCastle Lager Premier Soccer League cheFC Platinum chawedzera hutungamiri hwacho ipamusoro pegungano iri.
Chicken Inn, iyo yakatora mukombe uyu muna 2015, uyezve iri pachinhanho chechitatu mwaka uno, iri pamusha neNgezi Platinum Stars iyo iri pachinhanho chechipiri kwasara mitambo gumi nemiviri kuti makundano aya asvike kwamvura yacheka makumbo.
Mutungamiri weDembare, VaSolomon Sanyamandwe, vanoti vateveri veDynamos vanofanira kugadziririra kuona Dynamos yakasimba uyezve yakasiyana zvikuru neyaivepo munharaunda yekutanga iyo yaitatarika zvinotyisa.
Chikwata cheNgezi Platinum Stars chadimbura hutungamiri hweFC Platinum kusvika pamapoinzi maviri.
Mutambi wetsiva akaita mukurumbira kudarika vatambi vese vetsiva munyika, Langton Schoolboy Tinago, ashaya.
VeZifa Electoral Committee vavhura nguwani inofanira kukandwa mazita evanoda kukwikwidza kutora hutungamiri hwePremier Soccer League vachiti ivo kudomwa kwevatungamiri kwakamboitwa kwaive kusiri mugwara.
Rodhai zvimwe