Accessibility links

Breaking News

Dynamos Inodzinga Murairidzi Wayo, Lloyd Mutasa


Dynamos FC

Chikwata cheDynamos chadzinga basa murairidzi wacho, Lloyd Mutasa, mushure megore rese rekutambura.

Vatungamiri veDynamos vaita musangano ndokubvumirana kuti Mutasa anofanira kusiiswa basa zvichitevera kutatarika kuri kuita chikwata chavo icho chiri muhondo yekurwisana nekuramba chiri muPremier Soccer League.

Mutungamiri weDynamos, VaSolomon Sanyamandwe, vati Mutasa akakundikana mubasa ravakamupa uye mutevedzeri wake, George Chigove, ndiye ari kutora basa rasiiwa naMutasa.

VaSanyamandwe vati pamusoro pezvo, vapa basa kune aimbove kaputeni wavo uyezve akasarudzwa kuve Soccer Star muZimbabwe muna 2007, Murape Murape, kuti ave mutevedzeri waChigove.

Vateveri veDembare vakawanda vari kufara nekudzingwa kwaMutasa mumwe wavo VaShackman Mahwengwa vachiti izvi zvaifanira kuve zvakaitwa kare.

Mumwe mutsigiri weDembare, VaSheperd Mutambanengwe, vanoti Mutasa aive asingafanire kuve akapihwa basa iri pekutanga nenhoroondo yake yekukundikana.

Asi mumwe muteveri wechikwata ichi, VaTheophilius Zisengwe, vanoti Mutasa anga achifanirwa kupihwa nguva yekupedzisa mitambo yake yasara pozotorwa matanho makwikwi apera.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna Mutasa kuti atambira seyi kusiyiswa kwake basa.

Pari zvino, Dynamos iri pachinhanho chegumi nenhatu, mapoinzi maviri chete pamusoro peNichrut iyo yakabata chinzvimbop chekugumisira pazvikwata zvinofanira kubuda muPSL.

Dynamos ine mapoinzi makumi matatu neimwechete, Nichrut iine mapoinzi makumi maviri nemapfumbamwe

Asi Dynamos iri kusangana neFC Platinum kuZvishavane muMandava Stadium mukupera kwesvondo.

FC Platinum ine shungu dzekuda kukunda dzakaipa mushure mekurohwa 2-0 neTriangle neChitatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG