Chikwata chine mukombe weCastle Lager Premier Soccer League cheFC Platinum chawedzera hutungamiri hwacho ipamusoro pegungano iri.
FC Platinum yawedzera hutungamiri hwayo kusvika pamapoinzi mana mushure mekunge yambotungamira nemapoinzi maviri chete mitambo yesvondo richangopera isati yatambwa
Izvi zvinotevera kurova kwavakaita Chapungu 2-0 pamusha musi mumwecheteyo chikwata chiri kukwikwidzawo zvine mutsindo cheNgezi Platimum Stars chichiita mangange 1-1 neChicken Inn kuLuveve Stadium kuBulawayo.
Mumwe mutsigiri wenhabvu VaFidelis Mushonga vanoti FC Platinum ine mukana wekusimudza mukombe uyu zvekare.
Parizvino, FC Platinum yave nemaponzi makumi mashanu nemaviri, Ngezi iine mapoinzi makumi mana nemasere.
Mune mumwe mutambo, chikwata chiri kutatarikawo zvakanyanya cheDynamos chiri kupembera mushure mekurova ZPC Kariba 1-0 nezuro.
Mutsigiri weDynamoas VaHunty Munyanyiwa vanoti vari kufara nematambiro eDembare.
Mimwe mitambo yakapera seizvi…
Caps United 0 Herentals 0
Highlanders 0 Nichrut 0
Bulawayo Chiefs 1 Harare City 0
Mutare City Rovers 0 Harare City 0
Triangle 2 Yadah 1
Black Rhinos 2 Bulawayo City 0
Nichrut 0 Highlanders 0
Zvikwata zvina zviri pamusoro soro ndeizvi…..
FC Platinum 52 points
Ngezi Platinum Stars 48 points
Chicken Inn 41 points
Caps United 36 points.
Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi..
Nichrut 20 points
Mutare City Rovers 15 points
Bulawayo City 15 points
Shabanie Mine 15 points
Facebook Forum