Accessibility links

Breaking News

Dynamos, Caps United, Highlanders Pfacha muChibuku Quarter Final


Highlanders
Highlanders

FC Platinum neNgezi Platinum Stars hadzichakodzeri kumirira nyika mu 2019 Caf Confederation Cup zvichitevera kubuda kwadzaita muChibuku Super Cup.

Zvikwata izvi, izvo zviri kutungamira makundano eCastle Lager Premier Soccer League, zvakawira pasi mumakwikwi eChibuku Super Cup zvichitevera mitambo yekutanga yakatambwa mukupera kwesvondo.

FC Platinum haichakodzera kumirira nyika mu 2019 Caf Confederation Cup mushure mekudamburwa pamusha 5-4 neChapungu ichiteverwa neNgezi Platinum Stars iyo yakarohwa pamusha zvekare 5-4 zvekare neHerentals.

Mitambo iyi yaive yapera iri mangange ndokuzoenda kumapenareti.

Murairidzi weNgezi Platinum Stars, Tonderai Ndiraya, anoti chikwata chake chakatamba zvakanaka asi vakazorara panguva yakakosha.

Asi Caps United, Dynamos, neHighlanders dziri kukwikwidza zvine mutsindo mumukombe uyu kunyange hazvo dziri kutatarika mumitambo yeleague.

Dynamos, iyo iri kurwisana nehondo yekubuda muPremier Soccer League, yakafadza vateveri vayo nekukunda Bulawayo Chiefs 1-0 nechibodzwa chakabva kunaTawanda Macheke.

Murairidzi weDembare, Lloyd Mutasa, anoti vakomana vake vaive neshungu dzekuda kukunda.

Caps United yave mumakota fainari mushure mekurova ZPC Kariba 5-4 nemapenereti ichibatana neHighlanders iyo yakadamburawo Yadah 2-1.

Zvikwata izvi zviri kubatana neNichrut iyo yakarova Black Rhinos 2-1 neTriangle iyo yakabuditsa Shabanie Mine 4-2 nemapenareti.

Shabanie ne Triangle dzaive dzaita mangange 0-0 munguva yakatarwa.

Zvikwata zvisere zvava muma quarter final umo zvichakweshana kuitira kuti zvikwata zvina zvipinde mu semi final yemakwikwi aya, umo zvicharwisa semvumba kuitira kuti pabude shasha mbiri dzinopinda muChibuku Super Cup final, iyo yakatarisirwa nevakawanda nemaziso matsvuku.

Chikwata chichatora mukombe uyu chinowana zviuru makumi manomwe nezvishanu zvemadhora uyezve chinobudirira kumirira nyika mumakwikwi e2019 Caf Confederation Cup.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG