Accessibility links

Breaking News

Makwikwi eChibuku Super Cup Otsviriridza neMugovera neSvondo


chibuku super cup
chibuku super cup

Zvikwata zvenhabvu zvinoteverwa nechaunga Caps United ne Dynamos zviri kupinda munhandare svondo rino zviine chinangwa chimwechete chekusandura mwaka wanga wakaoma kuti upere zvinodakadza.

Maroto evazhinji ekuti chikwata cheCaps United neDynamos zvisangane mufainari yeChibuku Super Cup ari kuzadzikidzwa kana kuputswa svondo rino apo zvikwata zviviri izvi zviri kupinda munhandare imwechete yeRufaro Stadium asi mazuva akasiyana.

Makepekepe ndiwo ari kusimudzira hondo iyi neMugovera apo ari kupinda munhandare iyi achisangana neHarare City iyo ine nhoroondo yakasimba mumakwikwi aya.

Makepekepe ari kuzoteverwa neSvondo neDembare iyo iri kubandana neTriangle iyo inorairidzwa naTaurai Mangwiro akaita mukurumbira achitambira Dynamos yacho.

Caps United yarohwa mumitambo mitatu yePremier Soccer League yakateverana panguva iyo Harare City iri kusimuka asi mumwe muteveri wemaGreen Machine, VaTapuwa Mahwengwa, vanoti mitambo yePSL yakasiyana zvikuru nemitambo yemikombe.

VaMahwengwa vanoti veruzhinhi vasatarise matambiro anga achiita Makepekepe mazuva apera nekuti uyu mutambo mutsva une zvinangwa zvitsva.

VaMahwengwa vanoti hapana chinoshamisira pamaSunshine City Boys sezvo ari kungotatarikawo sechikwata chavo.

Harare City ndiyo ine mukombe uyu uyezve murairidzi wayo, Mark Harrison, uyo aimborairidza Caps United, ari kuda mukombe uyu kunoratidza hama neshamwari dzake kana adzokera kuEngland uko akaberekerwa.

Pamusoro pezvo, Harare City ndiyo ine nhoroondo yakasimba kudarika zvikwata zvese mumakwikwi aya mushure mekutora mukombe uyu kaviri uyezve kusvika mufainari kamwechete nemuma semi fainari kanokwana kaviri zvekare.

VaHope Chizuzu veHarare City vanoti mukombe ndewavo.

Asi vateveri veDynamos ndivo vanonokerwa nemutambo wavo neTriangle zvichitevera marovero ari kuita chikwata chavo zvimwe zvikwata.

Dynamos yakunda mumitambo mina yakateverana kubvira Lloyd Chigove atora basa rehurairidzi kubva kuna Lloyd Mutasa zvekuti mumwe muteveri wavo, VaSimbai Maketa, vari kutarisira kufara zvekare.

VaMaketa vnoti nematambiro akaita Dembare paHerentals nezuro apo vakakunda 2-0, havasi kuona Triangle ichimira.

Semarotero ari kuita vakawanda, VaMaketa vanoti chishuwiro chavo ndechekuti chikwata chavo chisangane nemaGreen Machine eCaps United mufainari.

Chikwata chinotora mukombe uyu ndicho chinomiririra nyika mumakwikwi e2019 Caf Confederation Cup umo Zimbabwe yaive isina aikwikwidza gore rino.

Dynamos ndiyo ine mureza uri mudenga mumakundano emuAfrica mushure mekusvika mufainari yeCaf Champions League muna 1998 nemumasemi fainari muna 2008.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG