Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoiswa Mugungano Rakaoma kuNetball World Cup


Chikwata cheZimbabwe Netball.
Chikwata cheZimbabwe Netball.

Chikwata cheZimbabwe chemaGems chaiswa mugungano rakaoma kumakundano e 2019 Netball World Cup.

MaGems eZimbabwe aiswa mugungano rimwechete nechikwata chine mukombe uyu Australia, Northern Ireland pamwe ne Sri Lanka mumakwikwi achaitwa kubva musi wa 12 kusvika 21 Chikunguru muLiverpool kuEngland gore rinouya.

Chikwata che Australian chichipemberera muna 2015.
Chikwata che Australian chichipemberera muna 2015.

Asi Zimbabwe haifanire kunyanya kutemwa nemusoro nekuti zvikwata zvitatu kubva mugungano iri ndizvo zvinoenderera mberi nemakwikwi aya ayo ari kuunganidza zvikwata gumi nezvitanhatu.

Zimbabwe iri kutanga kurwira mukombe uyu musi wa 13 Chikunguru apo irikusangana neSri Lanka, zuva rimwechete Australia ichangobva kubandana neNorthern Ireland.

Sri Lanka ndiyo iri pasi pasi mugungano iri muhurongwa hwenetball pasi rese zvekuti mukuru weZimbabwe Netball Association Muzvare Leticia Chipandu vanofunga kuti vakarova Sri Lanka chete, zvavo zvinenge zvaita.

Mumwe mutsigiri wemutambo uyu Muzvare Charity Muzanenhano vanotiwo Zimbabwe inofanira kukunda mumutambo wavo neSri Lanka kuti nzira yavo ichene.

Asi mumwe muteveri wemutambo uyu VaTichafa Kathumba vanoti Australia chete ndiyo inotyisa mugungano iri.

Aka ndiko kekutanga Zimbabwe ichikwanisa kubudirira kuenda kumakundano aya kubvira muna 1963 apo makwikwi aya akavambwa.

Zimbabwe yakasvika padanho iri mushure mekupedza iri pachinhanho chechipiri pasi peUganda kuma Africa Netball Championships. Zvimwe zvikwata zviri kumiririra Africa kumakwikwi aya iSouth Africa, Malawi ne Uganda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG