Accessibility links

Breaking News

Gamba reTsiva, Langton Tinago, Akashaya neChipiri muGweru


Mutambi wetsiva akaita mukurumbira kudarika vatambi vese vetsiva munyika, Langton Schoolboy Tinago, ashaya.

Mutambi uyu, uyo akatambidzwa mukombe weZimbabwe Boxer of the 20th Century, akashaikira muGweru General Hospital neChipiri.

Anga ave nemakore makumi matanhatu nemapfumbamwe.

Tinago asiya mudzimai, nevana vanomwe.

Gurukota rezvemitambo, VaKazembe Kazemba, vanoti varasikirwa zvikuru nekushaika kwaTinago.

Vatiwo vari kukubatana nemhuri yake mukuchema mutambi akasimudza mureza wenyika uyu.

Vakawanda vanoziva Tinago vanoti mufi anofanirwa kuitwa gamba renyika.

Murongi wemitambo yetsiva vaStalin Mau Mau vanoti varwadzikana zvikuru nekushaika kwaTinago vachiti ivo akashanda zvakasimba kusimudzira zita renyika kwete mumutambo wetsiva chete asi mumitambo pasi rese.

Muteveri wemutambo wetsiva, Muzvare Rosemary Makumbe, vanoti vari kurwadzikana zvikuru nekushaya kwaita Tinago vachiti ivo vari kurwadzikana kuti tsiva haina kuda kushandisa ruzivo rwaTinago kusimudzira mutambo uyu mune vechidiki.

Muna 1981, Tinago ndiye akaita mutambi wekutanga kuita mukurumbira kunze kwenyika apo akatora mukombe wake wekutanga wemuAfrican mushure mekupunzira pasi Hogan Jimoh wekuNigeria.

Izvi hazvina kugumira ipapo sezvo Tinago akazoenderera mberi nekunotora mikombe mitatu yeCommonwealth muhuremu hwakasiyana-siyana.

Tinago akapinda mudariro achirwa kanokwa zana nemitambo minomwe, akakunda mitambo makumi masere nemitatu, gumi nemitanhatu achiita knock out vaairwa navo.

Mumitambo iyi, akakundwa mumitambo makumi maviri, mina achiitwa knock out.Muna 1999, Tinago akadomwa pavatambi vairwira mukombe weZimbabwe Sportsperson of the Century, mukombe wacho ukazotorwa naNick Price wemutambo wegorofu.

Tinago akaberekerwa kuShurugwi muna 1949. Vanhu vakaungana pamba paTinago panhamba 42 Kezani Road, muMambo, Gweru.Mashoko ekuradzikwa kwake haasati abuditswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG