Accessibility links

Breaking News

Caps United Yosangana neDynamos neSvondo kuRufaro Stadium


Caps-United
Caps-United

Vateveri venhabvu vatarisana nemutambo mukuru weHarare Derby apo Caps United iri kutamba neDynamos muRufaro Stadium.

Gwaro rabva kumurongi wemitambo muPremier Soccer League, VaElisha Mandireva, rinoti mutambo mukuru uyu uri muRufaro Stadium umo muri kutarisirwa kuungana chaunga chinotyisa.

Mitambo pakati pezvikwata zviviri izvi inoverengwa pamitambo mikuru muAfrica zvekuti panguva ino apo zvikwata izvi zviri kutatarika, mutambo uyu uri kutarisirwa kubuditsa nhabvu yemhando yepamusoro.

Pakapedzisira kusangana zvikwata izvi, musi wa 22 Kubvumbi, Dynamos yakarohwa 1-0 apo Denver Mukamba akamuka chibhebhenenga asi Mukamba ave kuDynamos mushure mekusiya basa kuMakepekepe.

Mutambo uyu wauya zvekare panguva iyo MaGreen Machine ari pachinhanho chechina asi Dynamos haisi kunyatsofambirwa nezvinhu zvakanaka.

Dembare iri pachinhanho chegumi nenhatu kwasara mitambo gumi chete kuti makwikwi aya apere.

Asi panotamba zvikwata izvi hapawanzotariswa mamiriro akaita zvikwata zvacho panguva iyoyo.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaMisheck Chisale, vanoti mutambo uyu uri kuratidza kuti uchanakidza zvikuru.

Asi VaChisale vanoti mumusha meCaps United munozivikanwa kunzi hapana chinovafadza mwaka wega wega kunze kwekurova vavakidzani vavo.

Dembare neMakepekepe hadzisisina maroto ekutora mukombe weligi asi dziri kurwira kupedza vari pazvikwata zvina zvichange zviri pamusoro panopera mitambo yemwaka uno.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG