Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yowira Mukanwa Mamupere


Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuchikwata chine mukurumbira cheDynamos icho chatarisana nekuburitswa muCastle Premier Soccer League mushure mekunge Chapungu yakunda Shabanie.

Dynamos yave panyanga dzamushore mushure mekunge Chapungu yakunda Shabanie 1-0 mumutambo weCastle Premier Soccer League nhasi. Asi mumwe muteveri weDynamos vaBoswell Marimo vanoti Dynamos haiende kuDivision One.

Pane mashoko akasimba ari kufamba ari kuti vePremier Soccer League varikuronga kuwedzera zvikwata zviri mugungano iri kubva pagumi nezvisere kuenda pamakumi maviri mwaka unouya.

Vamweyo vasingateveri Dynamos varikuti izvi zvikuitirwa kuti Dembare isanyure kuenda kunotamba nhabvu yepasi pasi yenorthern region.

Mune mumwe mutambo, Caps United neHighlanders dzatadza kupunzirana pasi mumutambo

waunganidza chaunga muNational Sports Stadium masikati anhasi apo dzaia 0-0. Asi vaona mutambo uyu vanofunga kuti Highlanders ingadai yaenda nemapoinzi es e matatu kuBulawayo dai vashandisa mikana ese yakawandisa yavawana.

Pakurwira mukombe, FC Platinum yave pamusoro peNgezi Platinum Stars

nemapoinzi mashanu mushure mekunge Kugona Kunenge Kudana nezuro yakarova

Dynamo 2-0 panguva iyo Ngezi yakarohwa 1-0 neBulawayo City.

Mitambo yanhasi yapera seizvi..

Bulawayo Chiefs 1 Nichrut 1

Caps United 0 Highlanders 0

Chapungu 1 Shabanie 0

Herentals 2 Mutare City 1

Kwasara mitambo mishanu zvikwata zvina zviri pamusoro soro ndeizvi..

FC Platinum 65 points

Ngezi 60 points

Chicken Inn 54 points

Triangle 48 points

Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi ….

Dynamos 31 points

Mutare City Rovers 22points

Bulawayo City 19 points

Shabanie Mine 18 points

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG