Dynamos yatenga vatambi vatsva senzira yekuti chikwata ichi chisimbe kudarika zvachiri.
Dembare iri kudzoka munhandare neSvondo iine vatambi vatsva apo ichatamba neZPC Kariba sekutaura kwaita gwaro rabva kune vanoronga mitambo muPremier Soccer League, VaElisha Mandireva.
Mutungamiri weDembare, VaSolomon Sanyamandwe, vanoti vateveri veDynamos vanofanira kugadziririra kuona Dynamos yakasimba uyezve yakasiyana zvikuru neyaivepo munharaunda yekutanga iyo yaitatarika zvinotyisa.
VaSanyamandwe vanoti Dembare yakatenga vatambi vatsva vakati wandei kusanganisira Kingstone Nkhata kubva kuSupersport yekuSouth Africa uyo vanotarisira kuti achapedza dambudziko ravanaro rezvibodzwa.
VaSanyamandwe vanoti Nkhata akanyorerana chibvumirano chemwedzi mitanhatu neDembare vachizoona kuti vanokwanisa here kuwedzera nguva yacho.
Nkhata ane nhoroondo yakasimba mumutambo wenhabvu mushure mekutambira Kaiser Chiefs, Free State Stars, Black Leopards neSupersport United muSouth Africa pamwe neBuymore neCaps United mu Zimbabwe.
Nkhata akatambira Zimbabwe kanokwana kagumi akanwisa zvibodzwa zvitatu.
Pamusoro paNkhata, VaSanyamandwe vanoti Dynamos yakatenga zvekare Brett Amidu kubva kuFC Platinum vachiwedzera ivo kuti zviri mumaoko emurairidzi wavo, Lloyd Mutasa, kushandisa kana kuregedza Denver Mukamba uyo akadzoka kubva kuCaps United.
Mukamba ane nhoroondo yemisikanzwa.
Asi Mutasa anoti hapana mutambi ane nzvimbo muchikwata ichi.
Dynamos yaifanira kuve yakadzoka munhandare svondo rapera ichisangana neHighlanders asi mutambo uyu wakamiswa nePSL..
Pari zvino, Dembare iri pachinhanho chegumi nenhatu, mapoinzi mashanu kubva pachikwata chakatarisana nekubuda muPSL cheNichrut icho chine mapoinzi gumi nemanomwe.
Mutasa anoseka avo vari kuti chikwata chake chingangobuda mumakwikwi aya.
Pari zvino, chikwata cheFC Platinum ndicho chiri kutungamira makundano ePSL nemapoinzi makumi mana nemapfumbamwe, mapoinzi maviri pamusoro peNgezi Platinum Stars.
Facebook Forum