Accessibility links

Breaking News

FC Platinum Yoremerwa neTsoro muCastle Premier Soccer League


Chikwata cheNgezi Platinum Stars chadimbura hutungamiri hweFC Platinum kusvika pamapoinzi maviri.

Chikwata cheNgezi Platinum Stars chadimbura hutungamiri hweFC Platinum isi pamusoro kusvika pama poinzi maviri chete.

Izvi zvinotevera kurova kwavakaita Dynamos 1-0 muRufaro Stadium neSvondo mumutambo usina kuuya chaunga nemhaka waive wakwidzwa mutero wepagedhe kubva pamadhora matatu kusvika pamadhora mashanu panzvimbo dzisingadhure.

Murairidzi weNgezi Tonderai Ndiraya ari kufara nezvakaitika.

Asi murairidzi weDynamos Lloyd Mutasa anoti arikutarisira kusimuka kubva pavari kunyange vakarohwa neMadamburo.

Chicken Inn yaramba kuramba yakasaririra mushure mekunorova Mutare City Rovers 1-0 panguva imwechete Highlanders yakarova Triangle 1-0.

Mimwe mitambo yakapera seizvi …..

Herentals 1 ZPC Kariba 0

Harare City 0 Chapungu 0

Nichrut 0 Shabanie Mine 0

Bulawayo Chiefs 4 Bulawayo City 1

Black Rhinos 1 Yadah 2.

Zvikwata znina zviri pamusoro soro ndeizvi..

FC Platinum 46 points

Ngezi Platinum Stars 44 points

Chicken Inn 37 points

Highlanders 35 points

Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi..

Nichrut 17 poimts

Bulawayo City 15 points

Shabanie Mine 15 points

Mutare City Rovers 14 points

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG