Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeNhabvu Yoenderera Mberi Zvisineyi neKorera


Caps United Chicken Inn
Caps United Chicken Inn

Mitambo yenhabvu iri kuenderera mberi muHarare sezvakarongwa zvisineyi kuti munyika maita dambudziko rechirwere chekorera.

Mutauriri weCastle Lager Premier Soccer League, Muzvare Kudzai Bare, vanoti mitambo iri kuenderera mberi muHarare semarongero avakaita.

Muzvare Bare vanoti vePSL havasi kuona dambudziko riripo nekuenderera mberi nemitambo iyi vachiti ivo mitambo mitatu yakarongwa muHarare iri kutambwa sezvichangoitwawo mimwe mitambo yakafararira munyika mese.

Izvi zviri kureval kuti chikwata cheNgezi Platinum Stars icho chiri pachinhanho chechipiri chichange chiri muHarare muRufaro Stadium mangwana neYadah iyo yakatarisana nedambudziko rekubuda mumakundano aya.

Pari zvino, Ngezi Platinum Stars ine mapoinzi makumi mashanu nemanomwe, mapoinzi maviri pasi pechikwata chirikutungamira makwikwi aya cheFC Platinum.

Asi zvinhu hazvina kumirira zvakanaka Yadah iyo iri pachinhanho chechina kubva pasi, poindi imwechete pamusoro peNichrut iyo yakabata chinzvimbo chegumisira pazvikwata zvakatarisana nekubuda muPremiership.

Muteveri weYadah, VaRobson Dahwa, vanoti vari kuda kukunda mumutambo uyu kuti vabve panzvimbo inotyisa yavari pari zvino.

Chikwata cheFC Platinum hachina mutambo wakaoma seweNgezi Platinum Stars zvekuti chiri kutarisirwa kutora mapoinzi ese matatu pamusha pacho neHerentals College neMugovera zvekare.

Asi Dynamos, iyo iri panguva yakaoma yatarisana neshumba yeHarare City muRufaro Stadium. Dembare yakaita mangange neChapungu neChina, mazuva mashanu ichangobva kudamburwa 3-0 neHighlanders.

Mumwe muteveri weDynamos, VaBatai Kwayedza, vari kutarisira kuti Lloyd Mutasa achagadzirisa chikwata chavo ichi nechimbi chimbi.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi:

Mugovera:

ZPC Kariba v Highlanders

Bulawayo City v Chicken Inn

Svondo:

Chapungu V Nichrut

Bulawayo Chiefs v Triangle

Black Rhinos v Mutare City Rovers

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG