Accessibility links

Breaking News

Khama Billiati Otarisirwa Kutambira Zimbabwe paMutambo neCongo Brazzaville


Khama Billiat
Khama Billiat

Pane chivimbo chakasimba chekuti mutambi ane mukurumbira. Khama Billiart. achange ari munhandare neSvondo apo Zimbabwe iri kusangana neCongo Brazzaville kunyange hazvo asati apora kubva mukukuvara kwaakaita.

Maneja wemaWarriors, VaWellington Mpandare, pamwe nachiremba wechikwata ichi, VaSomani Mudariki, vanoti mutambi uyu, uyo asina kugadzirira nevamwe nemhaka yekukuvara, achange ari munhandare neSvondo apo maWarriors ari kusangana neCondo Brazzaville

Billiart, uyo anokanda zvibodzwa pamadiro ari kudikanwa zvikuru mumutambo uyu uyo Zimbabwe inofanira kukunda kuti varambe vane mukana wekuenda kumaAfrica Cup of Nations.

VaMpandare vanotitaurira mamiriro akaita zvinhu. VaMpandare vanoti chikwata chemaWarriors chiri kusimuka mangwana chichisvika muBrazzaville musi wemutambo kuitira kutiza kusabatwa zvakanaka kunoitwa zvikwata zvinoshanya kune dzimwe nyika muAfrica.

Mutungamiri weZimbabwe Football Association, VaPhilip Chiyangwa, vakatora nguva yavo kusangana nemaWarriors vachangobva kugadzwa senhengo yeparamende.

VaChiyangwa vanoti hapana chimwe chavari kutarisira kunze kwekukunda. VaChiyangwa vanoti mukamba makabatana vachiwedzera ivo kuti nyaya dzemari dzemaWarriors kana vakakunda dzakagadziriswa.

Zimbabwe inofanira kukunda kana kuita mangange kuCongo Brazzaville kuitira kuti irambe iine mukana wekubudirira kuenda kuma fainari eAfrica Cup of Nations ayo achaitirwa kuCameroon muna Chikumi gore rinouya.

Pari zvino, maWarriors ndiwo ari pamusoro pemakundano aya nezvibodzwa asi vakaenzana pamaponzi neDRC iyo ine mapoinzi matatu zvekare.

Asi maWarriors ari kutarisira kuti vacharamba vari pavari apa kunyange hazvo vasina vamwe vatambi vavo vane mbiri vakaita saCosta Nhamoinesu, Nyasha Mushekwi, maMarvelous Nakamba avo vakakuvara.

Asi kaputeni wavo, Knowledge Musona, ari mukamba mushure mekusauya kuzotamba muCosafa Cup nemhaka yekuvara zvekare.

MaWarriors ari kuda kuenda kuma fainari eAfrica Cup of Nations kechitatu mushure mekuita izvi muna 2004, 2006, na 2017.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG